Mbavha Muchaneta anobira amai vake

Chenai Mwoyo” naChakambodei Chirandu (21-25)

ONGORORO (Enderero mberi):

Enzaniso semadimikira tinoona dziri shoma. Amai vaChenai apo vainge vadzoka kumba ava manheru murume apihwa mubhedha kuchipatara, vaiti vakabata chino vochitsveta pasi, vakabata icho vochitsveta pasi.

Runhare ngarwuti rwarira mukadzi mukuru hana yake yaiita “kunge ichatsemura chipfuwa” (22) nepamusaka pekutya kuti pamwe vekuchipatara vaida kuvaudza kuti baba varwarisa.

Pavanoenda kuchipatara chifumi chemangwana acho, vanosvika kunopinda mukamuri yevarwere umo murume wavo aive ziso “uchingove museve” (22) kuri kunanga pamubhedha painge pane murume wavo. Murume audzwa mazwi ekushingisa anoonekwa achienda kuoperasheni, hana yakatsiga “sedombo” (25).

“CHEKUDA MBUNE” naMemory Rugedhla (27-29)

Muchaneta anodzingwa pamba nababa vake nepamusana pehosha yake yokuba. Baba vanotaurira vanin’ina vake kuti kana vakamuona auya pamba ivo baba vasipo, vanofanira kudaidza Pfungwa.

Amai vake nyakumutumbura vanonzwa kurwadziwa kukuru nekuita kwababa, vachinzwira mwana wavo tsitsi zvekuti vanosvika pakumudana kuti auye pamba baba vasingazivi nekuti havafadzwi kuti mwanakomana wavo atambudzike achingodzerereka sebenzi sekunge vasina imba.

Musi waanouya pamba, Tongai munin’ina wake anoridza mhere amuona, amai vake ndokutaura zvekudzivirira iye Muchaneta kudzamara Tongai anyarara asi anenge achitya zvikuru.

Pakunoedza, Tongai anoshamisika kuona Muchaneta atorova masango kwava kunotaurira amai vake avo vanoti pavanotsvaga magirazi avo okuonesa patafura pedyo nemubhedha vanoashaya.

Pavanoti vatore mari varongedze mubhegi rerwendo rwekunotsvaga magirazi, vanoshamisika nekushaya mari iyi. Vanopinda mumba yokutandarira vachiti pamwe semunhu ane hanganwa, vaigona kunge vakasiya zvinhu imomo.

Vanorohwa nehana nezvavanoona mukamuri iyi. Paisigara chivhitivhiti vanongoona yava nzvimbo chete, munhu ndokuoma mate mukanwa nazvo.

Vakashaya kuti baba vepamba vanovataurira vakamira pai. Vanoona kuti izvi vainge vaita zvekuzvikokera chaizvo ivo pachavo.

ONGORORO:

Musoro wekanyaya aka “Chekuda mbune” unonyatsa kuwirirana nezviri kutaurwa. Muchaneta aiva nehosha yekuba, amai vake vakaramba kubvuma zvainge zvaitwa nababa vake zvekumutandisa kubva pamba.

Ivo voga vomene, tingati vakanzwa nyoka kurwadza kwekubereka, vakati handingaregi mwanakomana wangu achiswera achitetereka nenyika iyo imba iripo, kwava kumukoka vomene kuti apinde mumba, dzokei ovabira magirazi ekuonesa, mari nechivhitivhiti.

Vakanyatsozviita mbune ivo voga pasina avamanikidza, kuita sehuku yazvidyira mazai ayo. Ndima inopedzisa kanyaya aka ndiyo inova pfupikiso yezvose zvinoitika “. . . dai zvaive zvakonzerwa nomumwe, vangadai vakamurovera kuponda, zvino izvi zvakava chokuda mbune chisina ndaroyiwa” (29).

Muchitsauko ichi tinodzidza nezvekusimba kwakaita rudo rwaamai kumwana (mother and child love/reunion). Madzimai ndivo vanonzwa kurwadza kwekubereka nekudaro rudo rwavo kuvana rwakakura chaizvo. Izvi zvinogona kuita kuti vatadze kuona zvakaipa zvinoitwa nevana vavo sezvakaitwa naamai vaMuchaneta.

Kushandiswa kunoitwa madimikira neenzaniso kunoenderana zvichiti ekutanga maviri, dzepiri mbiriwo. Kudimikira kwekutanga tinosangana nako apo zvinonzi “kuti aida kuudzwa neakatasva bere kuti hana yake irove?” (27) iyo inoreva kuti zvaitonetsa kumudzividza.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×