‘TB muvana yakawanirwa chikwapuro nenyanzvi’

cathrineTAKAPEDZA gore radarika hondo yekurwisana neTB yave pane chimwe chikamu. Takatura befu nekuti hondo iyi tave pakati nepakati pekuikunda.

Vanobika mishonga neve hutsanzi vakabura mushonga mutsva weTB muvana.

TB yagara inonetsa kuonekwa muvana uye painoonekwa inenge yasakadza mwana dzimwe nguva kutorasikirwa nehupenyu.

Vana vagara vanorwara nemabayo uye TB inogonawo kuonekwa semabayo (pneumonia). Mwana anogona kutorapwa mabayo iye aine TB.

Nhau iyi vehutano vanoitora nehudzamu hwayo zvekuti kubvira mugore ra2013 vakaita gwara iro pachiRungu rinonzi Childhood TB Roadmap kuri kuda kuchengetedza upenyu hwepwere dzedu.

Pamusangano mukuru uyu wakaitwa nesangano rinomiririra nhau dzemapapu, kwakaparurwa mushonga mutsva uyo unosanganisa mishonga yese pachiRungu unonzi fixed dose combination (FDC).

Musangano uyu we46th Union World Conference on Lung Health wakaitwa kuCape Town, South Africa, apo mushonga wepasi rose wakaparurwa zviri pamutemo zvinoreva kuti vana vave kunwa mushonga uyu kamwe chete.

Kare vana vainwa mapiritsi matatu dzimwe nguva kana avo asipo kwaitogwedurwa evanhu vakuru apa usingachazivi kuti ndiwo mwero unotaurwa here kana kuti kwete.

Iri rava dambudziko rapfuura nekuti piritsi iri rinogona kunyungudutswa kune vasati vogona kumedza mapiritsi.

Chiremba mukuru mubazi rehutano nekurerwa kwevana munyika ino anove national TB programme director, Dr Charles Sandy, vanoti painge pane dambudziko guru nekuti vana vaitadza kubatwa mumambure ehutano hwakanaka zvizere.

“TB muvana inonetsa kuona nekuti vana havagoni kusvipa gararwa iro rinoshandiswa kuongorora TB naizvozvo vamwe vaitadza kuwana rubatsiro paine nguva,” vakadaro Dr Sandy.

Dr Sandy vanoti vana vanorarama neutachiona hweHIV vari panjodzi yekubata TB naizvozvo vanofanira kuongororwa kuti havana TB nguva nenguva.

“Vana vese vanorarama neutachiona hweHIV vanofanira kuongororwa kuti havana TB here uye vane TB vanofanirawo kuongororwa kuti havana utachiona hweHIV zvakare here,” vakadaro.

“TB muvana inotadza kubatika nguva zhinji uye kuvepo kwemushini mutsva kwakatipa kugadzikana nekuti TB yave kuonekwa zviri nyore kuburikidza nemushini uyu.”

Chiremba mukuru wesangano reWorld Health Organisation, Dr Matshidiso Moeti – vachitaura pazuva repasi rese rekucherechedza chirwere cheTB nguva yadarika – vakati izvi zvinoda kushanda pamwe chete kwakasimba kwevemapazi ehutano uye TB inofanira kuramba yakaiswa pachiringiro kuti ikundwe.

“Tinofanira kusimbisa mashandiro ehutano pasi rese uye TB inofanira kuramba yakavhenekwa kuti tikunde nhau iyi,” vakadaro Dr Moeti.

Munyika ino vana vanorarama neutachiona hweHIV vava pamushonga chikamu makumi mashanu kubva muzana (50%). Izvi zvinoreva kuti chimwe chikamu chese hachisati chabatwa mumambure ehutano. Takatarisa nhau yeTB zvinoreva kuti pachine dambudziko rinofanira kuiswa misoro pamwe chete kuti tiponese pwere dzedu.

Dr Owen Mugurungi vanove mukuru anoona nezveAIDS neTB mubazi rehutano nekurerwa kwevana vanoti takwanisa kuisa vana chikamu chiri pakati nepati muchirongwa chemapiritsi emaARV.

“Mugore ra2015 vana vakakwanisa kuiswa pachirongwa chemapiritsi emaARV vanosvika chikamu makumi mashanu kubva muzana asi hatisati tafadzwa nazvo nekuti mwana wese anoda mushonga uyu kwehupenyu hwese anofanira kuuwana,” vakadaro Dr Mugurungi.

Chikosoro cheTB kana chagodzwa chisisadaire mishonga yekutanga yavanoti pachiRungu multi-drug resistant TB (MDRTB) chinotora makore maviri kurapwa munhu ave kubaiwa majekiseni uku mapiritsi emhando yepamusoro achinwawo. Asi nemushonga mutsva uyu waburwa muvana, mwana ave kuzonwa kwemwedzi 9 kubva mumakore maviri aainwiwa kare.

Dr Sandy vanoti munyika ino vana chikamu gumi kubva muzana vane TB asi ivo vari kukwanisa kubatsira chikamu che8% chete.

Zimbabwe imwe yenyika dzine denda guru reAIDS neTB pasi rose uye kuvepo kwepiritsi iri kuvana chikamu chikuru chataisa munhava.

Wenyu:[email protected]

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×