Kwakabva zita: Chitekete (Gokwe)

KuGokwe kune nzvimbo inonzi Chitekete. Zita iri rakabva parwiyo rwemushakabvu Leonard Dembo. Rwiyo urwu rwairidzwa zvakanyanya panzvimbo iyi izvo zvakaita kuti inzi Chitekete. —ALLAN KADODO, GOKWE.

CHIZIVISO:

MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare

Email: [email protected]

Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×