VADZIDZI veGrade 7 avo vainetseka nekuda kwechidzidzo chemasvomho (Mathematics) vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera kuburwa kwemabhuku matatu ekuvandudza chidzidzo ichi.
VaWellington Kusemamuriwo ndivo munyori wemabhuku matatu anoti Success in Mathematics Grade 7 Topical Maths Textbook, Success in Mathematics Grade 7 Topical Maths Revision Book (Without Answers) neSuccess in Maths Revision Book (With Answers) ayo akadhindwa neveHeritage Press.
“Ndiri mudhindi wemabhuku zvakare tiri kubatsira vanyori vatsva vanosanganisira Nation Mupinyuri uyo watakabatsira mukudhinda bhuku remasvomhu mushure mekuona kuti vana vechikoro vari kufoira mazamanishoni echidzidzo ichi,” vanodaro.
“Mabhuku aya akagashirwa nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuti ange ari muzvikoro. Gore rapfuura, Zimsec yakatorawo mibvunzo inosvika gumi neumwe kubva mumabhuku aya pamazamanishoni eGrade 7.”
Vanoti donzvo ravo nderekuvandudza chidzidzo cheMathematics.
“Hakuna mwana anofanirwa kufoira, mabhuku aya akanyorwa nechinangwa chekuvandudza chidzidzo chemasvomho kuburikidza nekubatsira vana vanosarira muzvidzidzo,” vanodaro VaKusemamuriwo.
Mamwe mabhuku avakanyora ndeanoti Coffins of Terror, Lazarus and Divases rinova renhetembo iro rakahwina mumakwikwi eNational Arts Merit Awards 2012.
Vakanyorawo zvakare mamwe anoti Dzimbahwe Dande iro rinotsanangura nyaya dzehutapwa muAfrica neChindunduma riri pamusoro pehondo yakarwiwa naMbuya Nehanda mukurwisa vapambevhu.
Zvakadaro, VaKusemamuriwo vanochema-chema nekuda kwedambudziko repairesi rekutengeswa kwemabhuku avo pamusika wemukoto.
“Isu tinotora makore akawanda tichinyora mabhuku aya zvekuti vamwe vanotengesa mumigwagwa vave kungouya votenga rimwe chete voita maphotocopy akawanda votengesa nemutengo wepasi edu haachazotengwa izvo zviri kutidzosera kumashure,” vanodaro.
“Kurudziro yedu kuvabereki tinoti ngavatenge mabhuku pamusika chaiwo zviri pamutemo kwete mumigwagwa.”.



