Lafarge yoedza kusimudzira utano

KAMBANI yeLafarge Cement Zimbabwe yakatangisa chirongwa chekusimbaradza nyaya dzeutano kuburikidza nekupa chenjedzo kune veruzhinji, kunyanya vari munharaunda yeMabvuku neTafara.

Chirongwa ichi chichaitwa kusvika kupera kwemwedzi uno pasi pedingindira rinoti “Maitiro angu, ane chekuita nebuririro”.

“Gore rino Lafarge Cement Zimbabwe ichange ichinyanyotarisana nenyaya dzekuchengetedzwa kwemarara.

‘‘Tiri kushandisa nzira dzakasiyana dzekuona kuti vanhu vari munharaunda dzatinoshandira havakanganiswi utano hwavo.

“Tichashanda nevana vezvikoro zvepuraimari kuti vangwarire tsaona mumigwagwa,” vakadaro Mai Edith Matekaire, avo vanove mushambadzi nemukushi wemashoko kukambani iyi.

“Kusimudzira utano hwevanhu munharaunda kunobatsira mubudiriro yenyika. Munzvimbo yeMabvuku-Tafara vanhu vanowanzosangana nematambudziko ekushomeka kwemvura zvinova zvinokonzera zvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid nekorera,” vakadaro.

Vanoti vane chido chekusimudzira nharaunda uye vachadzidzisa vanhu nzira dzekuchengetedza nharaunda dzavo dzakachena.

Kambani yavo iri kufundisa vana vechikoro zvakare kufamba kwakanaka mumigwagwa ichibatsirwa neZimbabwe Republic Police neTraffic Safety Council of Zimbabwe, vemachechi, makanzura nevamwe vakazvipira mukubatsira nemazano.

Lafarge ine vashandi vanodarika 64 000 munyika 62 uye mugore ra2013 yakawana mari inosvika US$15,2 bhiriyoni kubva mukutengesa semende.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×