Mari ngaishandiswe nemazvo: Mavhima

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo repuraimari nesekondari, Professor Paul Mavhima, vanoti zvikoro zvinofanira kushandisa mari yelevy mukuunza budiriro inoonekwa muzvikoro.

“Tichange tichitarisa mashandiro emari dzelevy nekuti kana mari dzapinda muzvikoro panofanirwa kuva nechinobatika chinoitwa nemari idzodzo. Vamwe vabereki vari kutadza kubhadhara mari dzechikoro nedzemazamanishoni nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka naizvozvo ngatibatisise mari nekuishandisa nemazvo asi tinokurudzirawo vabereki kuti vange vachibhadhara mari nenguva kuti zvisakanganise zvidzidzo zvevana,” vakadaro Prof Mavhima.

Vanoti mari yelevy inofanira kushandiswa kusimudzira zvikoro kwete kuitiswa mamwe mabasa asinei nedzidzo.

“Naizvozvo tine gwaro ratava naro iro richatevedzerwa nevakuru vezvikoro pamwe nevemaSchool Development Committees pakushandiswa kwemari yelevy.

“Mari iyi inofanirwa kunyorwa pasi zvainenge yashanda kuitira kuti vabereki vaone mashandisirwe emari muzvikoro sezvo iri kodzero yavo,” vakadaro.

Prof Mavima vanoti kune vamwe vakuru vezvikoro vari kupomerwa mhosva yekushandisa mari dzechikoro zvisiri izvo nekudaro vakadai ava vanofanira kusiyana netsika iyi nekuti vachabatwa vacharangwa zvakaringana nemutemo.

“Kurudziro yedu ndeyekuti mari dzechikoro ngadzishandiswe nemazvo pajekerere zvakaita sekutenga midziyo inoshandiswa nevana,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×