Library itsva paMabvuku High

Daphne Machiri
VANA vepachikoro cheMabvuku High, muHarare, vanotarisirwa kubatsirika mudzidzo yavo zvichitevera kuparurwa kwakaitwa kamuri yekuverengera (library) pachikoro ichi nguva pfupi yadarika. Muhururkuro nemukuru wechikoro, VaJosiah Mbirimi, vanoti vakaona zvakakosha kuti vana vawane imba yekuverengera zvinova zvinovandudza pfungwa pamwe nedzidzo yavo.
“Takaona kuti vana vazhinji vari kunetseka munyaya dzekuverenga. Vana ngavafarire kuverenga mabhuku zvinova zvinovabatsira kunyangwe vave kuita zvidzidzo zvavo kuyunivhesiti,” vanodaro VaMbirimi.

“Vana vechikoro vazhinji vanotoda rubatsiro mazuva ano kuti vave nepfungwa dzakajeka. Tinoda kudzosa kukosheswa kwetsika yekuverenga iyo yaiveko kare.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaTonderai Magaya vesangano reDandare Arts Development Trust, iro riri kubatsira nekupa mabhuku muzvikoro, vanoti zvakakosha kuti vana vawane mabhuku ekuverenga.

“Takaona zvakakosha kuti isu sesangano tibatsire zvikoro zviri munharaunda dzatigere munyaya yekusimudzira kuverengwa kwemabhuku.

“Zvakare tichange tichiita zvikwata (clubs) zvinoreva izvo kuti tichaisa vana mumapoka umo tichavadzidzisa nekuvapa mazano ekuzvichengetedza nekuti vakwanise kuziva zvidzidzo zvavanoda kuzoita kana vave kuenda kumayunivhesiti,” vanodaro VaMagaya.

Vanotizve nekufamba kwenguva, vanoda kuzotanga chirongwa cheEducational Cultural Exchange icho vana vemuno vanoenda kune dzimwe nyika vachinodzidza tsika nemagariro eko.

“Vana vechikoro vanofanirwa kufambawo kune dzimwe nyika vachiona kukosha kwekuverenga mabhuku pamwe nekudzidzawo pamusoro petsika nemagariro emamwe marudzi. Tichaita kuti vana vazive kuti bhuku ndiyo shamwari inovaka,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *