‘Lockdown inobatsira’

Muchaneta Chimuka

MAMWE emasangano akazvimirira ari kurumbidza Hurumende zvichitevera chirongwa chayakaita chekuti veruzhinji vambogara kudzimba nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 cheLevel 4 National Lockdown kusvika musi wa15 Kukadzi achiti danho iri rakakosha zvikuru panyaya yekuchengetedza upenyu hwevanhu.

Masvondo maviri apera, vaive vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika – Vice President Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vakazivisa nezvekuwedzerwa kwemazuva echirongwa ichi vachiti chiri kubatsira zvakanyanya mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Votaura pamusoro pechirongwa chekuti veruzhinji vambogara kudzimba ichi, VaItai Rusike, avo vanova Executive Director wesangano reCommunity Working Group on Health, vanoti lockdown yakakosha pakuchengetedzwa kweutano uye upenyu hwevanhu.

“Kuwanda kwevanhu vanobatwa nechirwere cheCovid-19 kunoita kuti zvipatara zvizare nevarwere uye vanhu vazhinji vanogona kurasikirwa neupenyu. Saka kana vanhu vakatevedza zvinodiwa, nguva yekunzi vagare kudzimba inodarika nekuti ndufu nekurwara zvinoderera,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vari munharaunda vawaniswe dzidziso yakazara pamusoro pekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi nekuti chichirimo muZimbabwe.

“Kurwara nekufa kuri kuita vanhu kunokanganisa zvikuru budiriro yenyika nekuti vanhu vakafunda uye vakakosha mubudiriro yenyika vari kufa zuva nezuva ivava,” vanodaro.

Muzvare Alice Kuvheya, avo anova Director wesangano reChitungwiza Residents Trust, vanoti lockdown idanho rakanaka rekuderedza ndufu uye hurwere.

“Kuti tinzi tiri guta kana dhorobha rine budiriro hunge tiine utano nevanhu vacho. Zvisinei, vanhu vazhinji vari kuchema-chema nenyaya yekushaiwa mabasa panguva ino izvo zvave kuona nyaya dzehumbavha dzichiwanda,” vanodaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×