Mabasa evechidiki otsigirwa

Kingstone Mapupu

SANGANO rePlan International riri kusimudzira raramo yevechidiki kuburikidza nekuvatsigira mumabhindauko anosanganisira ekugadzira midziyo nezvimwe zvinodiwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaConrad Gweru (34), avo vanova country communications coordinator wePlan International, vanoti sangano ravo rakaona zvakakosha kutsigira vechidiki mumabasa ekugadzira zvinosanganisira mamasiki, magirovhosi nesipo dzekugezesa maoko.

“Nekuda kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19, tine zvirongwa zvatiri kuita kubatsira vanhu, zvikuru vechidiki kuti vakwanise kuita mabasa apo vagere kudzimba nekuda kwematanho aripo ekurwisa chirwere ichi,” vanodaro VaGweru.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nechikamu chedu cheYouths Economic Empowerment, tiri kuvamba mabasa akanangana nekurwisa Covid-19 munyika yose uye hatina nzvimbo yatiri kusiya – kumaruwa nemumaguta. Zvirongwa izvi takazvivamba muHarare, Bulawayo, Gweru, Norton, Kadoma, Chegutu, Zvishavane, Masvingo, Victoria Falls nekwaMutare.”

Vanoti vechidiki vari kuita mabhindauko ezvigadzirwa izvi vanozozvitengesa vachibatsirwa nesangano ravo.

“Kutengeswa kwezvigadzirwa izvi hakunetsi sezvo tichivatsvagira vatengi uyewo zvekugadzirisa zvakaita semichina yekusonesa, machira nezvimwe. Ino inguva yakaoma zvikuru nekuda kwedenda iri sezvo venhu vari kukurudzirwa kugara kudzimba izvo zvinoita kuti kuwana mari yekutenga chikafu kunetse,” vanodaro VaGweru.

Vanoti sangano ravo ragara richiita zvimwe zvirongwa zvinosanganisira kudzidzisa madzimai nevanasikana kusona, kupfuya huku, kurima mapindu nekugadzira machoko emuzvikoro.

“Nyaya yekusimudzira kurarama kwevanhu zvagara zvichiitwa nesangano rePlan International izvo tiri kufambira mberi.”

Pamusoro pezvo, sangano iri rinoshingairawo mukurwira kodzero dzevanasikana nekuona kuti havashungurudzwe nekuti vadzidze vakasununguka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×