Voronga zvebudiriro yeChitungwiza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reChitungwiza Residents Trust (CHITREST) nguva yadarika rakabatana nereNational Association of Non-Governmental Organisations (Nango) pamusangano uri maringe nehurongwa hwemafambisirwo echirongwa chenyika chine chekuita nenyaya dzebudiriro (Ministry of Finance’s National Development Strategy).

VaLeonard Mandishara, vanova mukuru weNANGO, vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti vagari venzvimbo iyi pamwe nehutungamiri hweko uye vatsigiri vape pfungwa dzavo maererano nechirongwa ichi icho chichasvika mugore ra2025.

“Chirongwa chemakore mashanu cheNational Development Strategy chichatsiva cheTransition Stabillization Programme icho chakaparurwa neHurumende mugore ra2018 uye chiri kupera gore rino.

“Panguva iyo nyika iri murwendo mukugadzira kuumbwa kwechirongwa cheNational Development Strategy 1 nebazi rinoona nezvemari, sangano reNango neCHITREST vakaunganidza pfungwa dzakabuda pamusangano uyu dzinova dzavachanopira kuHurumende kuti dzipinzwe muzvirongwa zvebudiriro zvenyika,” vanodaro.

VaMandishara vanoti chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUnicef, UNDP uye European Union.

“MuChitungwiza mune matambudziko akawanda sekuparara kwemigwagwa, kushaikwa kwemabasa, kutushuka kwemapombi esuweji, kushaikwa kwemvura, kuwanda kwenherera nevakaremara uye vakwegura, pakati pezvimwe. Saka panoda kuonekwa kuti zvii zvingaitwa neHurumende nekushandisa homwe yebudiriro iyi,” vanodaro.

Alice Kuvheya

Vanoti nyaya dzekusabhadharwa kwemitero nevagari veko ndizvo zvimwe zviri kuita kuti zvimwe zvirongwa zvebudiriro zviderere.

“Vagari vemuno vanofanirawo kutsigira kanzuru kuburikidza nekubhadhara mitero nenguva nekuti kana vakasaita izvozvo makanzuru anokundikana kubhadhara vashandi vogumisira varamwa mabasa zvinoreva izvo kuti zvirongwa zvebudiriro sekugadzirwa kwemapombi esuweji, migwagwa nezvimwe hazvichafamba.

“Nyaya dzehuwori ndidzo dzimwe dziri kuderedza mabasa ebudiriro nekuti kuba kwakanyanya kunoita kuti budiriro idzokere kumashure,” vanodaro. Vanoti Hurumende inofanirwa kuramba ichisimbaradza mabasa eZimbabwe Anti-Corruption Commission kuti nyaya dzehuwori dziderere.

Alice Dian Kuvheya anova director weChitungwiza Residents Trust anoti chiitiko ichi chakakosha zvikuru nekuti chinopa mikana yekuti pave nehurukuro pakati pevatungamiriri venzvimbo semakanzura, madzishe nenhengo dzedare reParamende vachikurukura nhuna dzavo.

“Munguva iyo chirwere cheCovid-19 chainge chakatsviriridza tainetseka kwazvo kuti tingazowana here nguva yekusangana tichitaura nezvenyaya dzebudiriro yeChitungwiza nokudaro taingoshandisa dandemutande tichikurukura tiri kudzimba dzedu.

“Tinoda kuti vechidiki vawane mabasa nekuti vari kungoswerera kuputa mbanje nekudhakwa zvinoita kuti kuparwa kwemhosva kuwande. Tinoda kuti pave nerutsigiro rwemari iyo ichaita kuti tiite mabasa ebudiriro,” anodaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×