Mabhawa haasati anzi achivhura  

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira dzinosanganisira manight club hazvisati zvave kutenderwa kuti zvivhurwe zvichitevera njodzi iripo yekuti panogona kunyuka chirwere cheCovid-19 ketatu (third wave).
Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChitatu  mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti denda iri richirimo munyika nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kweCovid-19.
“Cabinet inocherechedza kukosha kwekuti zvikamu zvose zvehupfumi hwenyika zvinge zvichishanda zvizere. Asi, pachitariswa njodzi iripo yekuti panogona kuve nekunyuka kwechirwere ichi ketatu, Cabinet yapfuudza mberi nyaya yekuti mabhawa nemanight club zvinge zvichivhurwa kusvika munguva inotevera,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mabhawa nemanight club hazvisi kutenderwa kuvhurwa kunyangwe zvazvo kuine vamwe vari kuvhura zvechitsotsi.
Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende inoshushikana zvakanyanya nekusatevedzwa kuri kuitwa mitemo yekurwisa chirwere ichi pakutakurwa kwevanhu nemabhazi kuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
“Panyaya yezvifambiso zveveruzhinji, Cabinet iri kuona uye kushungurudzika nekusatevedzwa kuri kuitwa mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 mukutakurwa kwevanhu nezvifambiso. Nekuda kwaizvozvo, Cabinet yawirirana kuti vabati vezvemutemo vanofanirwa kusimbaradza ongororo yezvifambiso zvinotakura veruzhinji,” vanodaro.
 Sen Mutsvangwa vanoti panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro, Cabinet yakaona kuti hurongwa hwakasimba hwakaiswa neHurumende hwekuita ongororo pamusoro pedenda iri, huri kubatsira kuti kana rikanyuka zvizivikanwe nekukasika.
“Cabinet yakaziviswa kuti nemusi wa16 Kubvumbi 2021, chirwere ichi chakanyuka kuzvikoro zviviri zvebhodhingi, zvinoti: St. Davids Bonda Girls School, kuManicaland neEmbakwe High School, kuPlumtree. Vadzidzi 145 (St. Davids Bonda) ne91 (Embakwe High) vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa. Hurumende inoda kuvimbisa nyika kuti mamiriro ezvinhu akagadzikana,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Bazi reutano nekurerwa kwevana riri kuvheneka uye kubaya majekiseni ekudzivirira Covid-19 vanhu vanogara munharaunda dziri pedyo nezvikoro izvi. Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nereutano nekurerwa kwevana vari kusimbaradza zvakare kutevedzwa kwematanho akatarwa (Standard Operating Procedures) ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro zvose uye vachabatwa vasingatevedzere matanho aya vacharangwa maringe nemutemo.”
Vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 chiri kufamba zvakanaka munyika.
Kusvika nemusi weChitatu chino, vanhu 37 980 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere ichi mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 35 065 vakatopona asi vamwe 1 555 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 295 631 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzvirira chirwere cheCovid-19 apo 37 365 vakabaiwa epiri (2nd dose).
Majekiseni aya ari kubaiwa pachena kune vanoda.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×