Regai kuungana: Mambo  

Kingstone Mapupu
MAMBO Muusha vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vambosiyana nemamwe magungano anoitwa panguva ino echivanhu anosanganisira nhimbe, kurova makuva, mapira nezvimwe zvakadaro nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Pasi pemitemo yekurwisa denda iri, vanhu havabvumirwe kuungana vachidarika 50.
Mambo Muusha, VaChenjerai Maofa (47), vanoti hondo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 inoda mushandirapamwe kuti ikundwe.
Vanoti mudunhu ravo vakatomisa kuungana kwevanhu sepanhimbe kana kuti humwe, kugadzirwa kwemakuva, kubikwa kwedoro rechivanhu nekuita mapira.
“Ini samambo, ndakaita ongororo maringe nechirwere cheCovid-19 tichinangana nekuti tochidzivirira sei munzvimbo yandinotungamira ndichishanda nenyanzvi dzezvebazi rezveutano. Takaona kuti kune vamwe vanhu vaisaterera zvisungo zvatinovapa zvekurwisa denda iri apo ndakazotaura nemasadunhu angu maviri anoti Kudyanga naNechiwora nemasabhuku angu ose ari 72 kuti vasimbise danho rekuti vanhu vasaungane,” vanodaro Mambo Muusha.
Vanoti vakatanga nedanho rekuti havadi kuona panobikwa doro rekutengesa rechivanhu sechikokiyana kana re”seven days”.
Mambo Muusha vanoti panguva yezororo ndipo pamwe panoitwa magungano echivanhu.
“Izvozvi vanhu vari kuungana vachikohwa zvirimwa zvavo, kune vanoda kuita nhimbe takambomisa asi kana vachida zvavo vanoita semhuri kwete kuunganidza musha wose,” vanodaro Mambo Muusha.
Vanoenderera mberi: “Mudunhu mangu ndine vanhu vanodarika 25 000 avo tinoda kuti vachengetedzeke kubva kuchirwere chanetsa ichi. Saka tiri kutevedza zvose zvinodiwa sevatungamiri.”

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×