Mabhezari 30 ekuChina

Munyori weKwayedza kuMasvingo

VADZIDZI 14 avo vanova shasha muchikoro – vakaita rombo rakanaka rekuwaniswa mabhezari ekuti vanodzidza kumayunivhesiti ekuChina vachitsigirwa nesangano rakazvimirira, reRuddson International Consultancy. Vadzidzi ava vachabatana nevamwe 16 kubva kune mamwe matunhu eZimbabwe avowo vachanodzidza kuChina pasi pechirongwa ichi. Ruddson yakapa mabhezari kuvadzidzi 30, vakawanda vacho vari vekuMasvingo.

Vachitaura apo vaionekana nevadzidzi vekuMasvingo, Masvingo Assistant District Administrator, Mai Joyce Chikugu, vakavakurudzira kuti vanoshanda nesimba muzvidzidzo zvavo. Vanoti vadzidzi ava vane zvakawanda zvavachanofunda kuChina uye vanofanira kutanga makambani avo pavanodzoka.

“Tinokurudzira vechidiki vedu kuti vaende, vanowana ruzivo rwakadzama, vozouya narwo kumusha vachivhura makambani pamwe nekupinza vamwe mabasa,” vanodaro.

“Nekudaro, tinoda kuti vechidiki vedu vaende kuChina vanowana ruzivo rwunosimudzira budiriro yenyika kuitira kuti upfumi hubudirire pakati pedzimwe nyika dzepasi rose.”

Director wesangano reRuddson, Mai Sarah Runovuya, vanokurudzira vadzidzi ava kuti vagozodzoka kumusha kuzoshandira budiriro yenyika kana vapedza fundo yavo.

“Chinangwa chikuru cheRuddson International Consultancy kuumba boka idzva revanhu vemuZimbabwe vakazvipira kusimudzira nyika yavo,” vanodaro.

Sangano reRuddson rakavambwa naVaTapiwa Runovuya, avo vakambodzidza kuChina.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *