Mabhodha avhurwa

Thupeyo Muleya

MIGANHU yeZimbabwe iri kuvhurwa nhasi kune vedzimotokari nevanhu vanofamba netsoka zvichitevera matanho akasimba akatorwa ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Miganhu yenyika yakavharwa kuruzhinji muna Kurume wegore rino nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kwechirwere chanetsa pasi rose ichi.

Zimbabwe ine miganhu mikuru mishanu inoti Beitbridge, Plumtree, Chirundu, Victoria Falls neForbes.

Vashandi vebazi rezveutano nekurerwa kwevana kubvira masvondo adarika vange vachivheneka Covid-19 vashandi vepamiganhu yenyika uye pane matanho matsva anofanirwa kutevedzwa nevanhu vanopinda nekubuda munyika muno maringe nekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kuvhurwa kwemiganhu yenyika iyi kunotevera hukururo yakaitwa negurukota rebazi rezvinoitika mukati menyika Cde Kazembe Kazembe nemumwe wavo wekuSouth Africa, Dr Aaron Motsoaledi kuBeitbridge nemusi weChishanu wadarika apo vaizeya pamusoro penyaya yekuvhurwa kwemiganhu iyi.

Mushure mekuvhurwa kwemiganhu iyi kuvatyairi vedzimotokari nevanhu vanofamba netsoka, vemabhazi anoenda kunze kwenyika vachazotenderwa kutanga kufamba muchikamu chinotevera.

Izvi zviri kuitwa senzira yekurwisa Covid-19.

Muganhu weBeitbridge waidarika nevanhu vanosvika 7 miriyoni pagore apo matanho ekudzivirira chirwere ichi akange asati atorwa.

Dare reCabinet nguva pfupi yadarika rakaita chisungo chekuti miganhu yenyika ivhurwe kune vedzimotokari nevanofamba netsoka.

Mutauriri weDepartment of Immigration, Mai Memory Mugwagwa, vanoti bazi ravo riri kushanda nesimba kuitira kuti vafambi vasasanganane nezvinovaomera pavanoshandisa muganhu weBeitbridge Border Post.

“Takashevedza vashandi vedu vose vakange vanzi vambomira kuuya kubasa senzira yekurwisa Covid-19,” vanodaro.

“Kushanda sechikwata uye dzidziso pamusoro peCovid-19 sezvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation zviri kuitwa.”

Midziyo yekurwisa Covid-19 yevashandi vepamiganhu yenyika iyi inonzi yavepo inokwanirana.

Vashandi vose veDepartment of Immigration vachange vari pabasa kutanga nhasi, kusanganisira avo vanofanirwa kunge vari pazororo kusvikira huwandu hwevanhu vanodarika nepamuganhu weBeitbridge hwadzikira.

Mai Mugwagwa vanoti pane matanho ari kutorwa ekuti pave nenzvimbo dzine chitsama dzekuvhenekera vafambi Covid-19 pamuganhu wenyika uyu.

Mutauriri weZimra, VaFrancis Chimanda, vanoti chikamu chavo chakadzika tende uye ndokugadzirisa nyaya dzemasaisai kuti ashande zvakanaka kuitira kuti basa rekugadzirwa kwemaETIPs rifambe zvakanaka.

Nekune rimwe divi, mukuru weDepartment of Immigration pamuganhu wePlumtree Border Post, VaBlessing Marwa, vanoti vane vashandi vanokwanirana nebasa rinoda kuitwa uye nemidziyo yakakwana yekurwisa Covid-19.

KuChirundu, regional immigration officer VaJoshua Chibundu vanoti vagadzirira kuvhurwa kwemuganhu wenyika uyu.

“Tagadzirira sedanho rakatorwa neHurumende kuti miganhu ivhurwe kune vedzimotokari nevanhu vanofamba netsoka,” vanodaro VaChibundu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×