Vanoshaya vakabatsirwa

Muchaneta Chimuka

VASHANDI veUNICEF Zimbabwe, vachishanda nevava pamudyandigere, svondo rapera vakaita mudeme mudeme kuunganidza mari yekutenga chikafu chemhuri dzinotambura dzinodarika 100 dzekuEpworth zvichitevera matambudziko adziri kusangana nawo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pakugovera chikafu ichi kumhuri idzi nemusi weChishanu wadarika, VaFrancis Kamoto vanova sachigaro weUNICEF Country Office Staff Association (COSA), Covid-19 iri kuderedza zvikuru raramo yemunhu wose munyika.

Vanoti vana vakaremara, nherera, vanochengeta vamwe vana, vanochengetwa nevanhu vakwegura nevanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana vari panguva yakaoma zvichitevera kuderera kuri kuita upfumi hwenyika uko kuri kuwedzerwa nekuda kwechirwere ichi.

“Takatarisa huwandu hwevana ava tikaona zvakakosha kuti tiunganidze mari yekutenga chikafu ichi, kureva kuti mhuri imwe neimwe takaiwanisa chikafu, mamasiki, sipo, shuga, mafuta ekubikisa, furawa, upfu nezvimwe kuti vabatsirikane munguva ino yeCovid-19. Tinokurudzira mamwe masangano nemakambani kuti vaise misoro pamwe chete mukurangarira vanotambura. Kuwanisa chikafu kumhuri idzi kunobatsira mukutsigira nyaya dzeutano hwavo zvekare,” vanodaro.

Vari kushanda pamwe chete nesangano remubatanidzwa wemachechi, reEvangelical Fellowship of Zimbabwe (EFZ) mukutsigira vanotambura.

Vamwe vevakawana rubatsiro urwu vanotenda UNICEF neEFZ

“Ndinotenda Mwari vakaita kuti vashandi veUNICEF neavo vakatoenda pamudyandigere vatifungewo isu varombo. Ini ndine mwana akaremara saka kubvira pakatanga lockdown, handina kana kuzombowana mukana wekuitawo mabasa emaoko anoita kuti ndiwane chouviri. Covid-19 yakatisiya tiri panguva yakaoma,” anodaro Chiedza Gwadzengwe achiratidza kufara.

Pastor Blessing Makawara veEvangelical Fellowship of Zimbabwe vanoti vanhu vazhinji apo vanowirwa nematambudziko, vanonotsvaga rubatsiro kumachechi izvo zvakaita kuti vabatane neUNICEF mukutsvaga mhuri dzinoda rubatsiro munharaunda yeEpworth.

Sangano reCOSA rakavambwa nevashandi veUNICEF munyika muno nechinangwa chekumiririra zvido zvevashandi zvichifambirana nemitemo yeUnited Nations.

Gore negore, vashandi ava vanowana mukana wekuita mabasa etsitsi kunharaunda dzakatsaukana.

Mumakore adarika, vakapa rubatsiro rwechikafu kuvagari vemuChimanimani avo vakasangana nedambudziko remvura ine dutumupengo mugore ra2019.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×