Mabhunu ishasha

ELIJAH Mabhunu (kuruboshwe) uyo akahwina pamujaho we21km aina Simon Takaruwa wekambani yeTanganda (pakati) naJacob Mugomere uyo akahwina mumakwikwi e10km. — Mufananidzo: Abel Ndooka
ELIJAH Mabhunu (kuruboshwe) uyo akahwina pamujaho we21km aina Simon Takaruwa wekambani yeTanganda (pakati) naJacob Mugomere uyo akahwina mumakwikwi e10km. — Mufananidzo: Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wemarathon iri kusimukira, Elijah Mabhunu, ndiye akahwina mubairo mukuru svondo radarika pamujaho weTanganda 21km half- marathon wakamhanyirwa kwaMutare.
Mabhunu akasiya dzimwe shasha dzaisvika 300 pamujaho uyu uyo waakapedza neawa rimwe nemaminitsi matanhatu.

Uyu wange uri mujaho waMabhunu wechipiri waahwina gore rino zvichitevera kuhwina kwaakaita weVictoria Falls Marathon masvondo adarika uye aka ndeke chipiri achikwikwidza muTanganda half- marathon. Gore radarika, akamhanya mumujaho we10km akahwina menduru yesirivha.

Muhurukuro naMabhunu akati: “Ndiri kufara zvikuru ndazozviita gore rino.

“Gore rekutanga ndakamhanya mu10km ndikaita nhamba yechipiri asi gore rino ndakazvipira kuti ndoda kumhanya 21km iyi yandazohwina. Nguva yadarika, ndakahwina kuVictoria Falls saka apa ndaizviziva kuti ndinozviita uye ndiri kufara kuti ndahwina.

“Iye zvino ndave kugadzirira kuenda kuAngola uko ndichanokwikwidza kumutambo weOne Man Marathon, ndinoda kunoihwina zvekare,” akadaro Mabhunu.

Pamujaho wemadzimai, shasha yemarathon ine mukurumbira – Constance Nyasango – ndiye akahwina menduru yegoridhe mumujaho uyu achisiya dzimwe nyanzvi dzakaita saSharon Tavengwa.

Aka ndeke chitatu Nyasongo achiedza raki mumujaho uyu sezvo akakwikwida kaviri achitora nhamba yechitatu.

Mune mimwe mijaho yakamhanyiwa, Elford Moyo ndiye akahwina mumakwikwi ewiricheya achiteverwa naSamson Muroyiwa.

Kuvanhukadzi, Magrate Bangajena ndiye akaita zvinorova akatora mubairo uyu achiteverwa naMagadaline Madzivire.

Mumujaho we10km, shasha iri kusimukira zvekare mukumhanya marathon,  Jacob Magomere, ndiye akahwinha menduru yegoridhe.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×