Woods ari kungoda Open Championships

tiger-woods-ea-sportsSHASHA yemutambo wegorofu, Tiger Woods, anoti chinangwa chake chimwe chete kuhwina kumakwikwi eOpen Championships ayo ari kuitwa svondo rino.
Woods, uyo akahwinha makwikwi mamwe chetewo eOpen Championships kuRoyal Liverpool mugore ra2006 kanokwana katatu, akavhiyiwa musana gore rino muna Kurume izvo zvakamudzosera kumashure  mumutambo uyu.

Asi zvisinei nekutamba kamwe chete kwaakaita kubva panguva iyi, shasha yekuhwina kanokwaana ka14 mumakwishu makuru iyi, Woods akati aisazobvumira chimwe chinhu kuti chiitike kunze kwekuhwina kumakwikwi aya kuHoylake.

“Kuita nhamba 1, ndizvo zvagara zviripo,” akadaro Woods.

Pamakore ake 38 ekuberekwa, Woods akavhiyiwa kanokwana kana paibvi rake rekuruboshwe nemutsipa uye vanamazvikokota veongororo vazhinji vanoti zera pamwe nekumbovhiyiwa uko akaitwa kunogona kunge kuriiko kuri kumudzosera kumashure zvakanyanya mumutambo uyu izvo zviri kumudzivisa kuti adarike pakasvikwa naJack Nicklaus uyo akahwina makwikwi makuru kanokwana ka18.

Chizvarwa chekuAmerica, Woods haasati awedzera mukombe pane yaainayo kubva mugore ra2008 apo pakaitwa makwikwi eUS Open.

“Pandakarwara negumbo ndaikwanisa kunotirena pamwe nekupinda munhandare.

“Asi nemusana uri kundirwadza handaikwanisa kuzviita, ndaitadza kubuda mumagumbeze, ndaitotadza kufamba-famba pamba uye hupenyu hwainge hwondivavira,” akaenderera mberi.

“Vanhu vakambovhiyiwa sezvizvi vanoziva  zvandiri kureva, zvinoomesa hupenyu uye marwadzo ose anopera nekuti unenge uine ronda asi kurwadza kwegumbo kunenge kwatopera, pandakavhiyiwa ndakava netariro sezvo ndaiziva kuti marwadzo enguva idiki, iko zvino ndadzoka manje,” akadaro Woods.

Woods akaenda KuHoylake kunotirena neyaimbova shasha yepasi rose, David Duval, pamwe chete naHunter Mahan uye aisaratidza kurwadziwa zvakanyanya.

“Hupenyu hwashanduka kusiyana nekare semunhu ndakapindana nezvakawanda, ndakashaikirwa nemubereki, ndava nevana vaviri uye ndava kutamba zvakasiyana nekare, hupenyu hwangu hwakashanduka zvikuru kubva muna 2006,” akadaro Woods.

Chinhu chimwe chasara pana Woods kugona mutambo uyu nguva nenguva.

Achibvunzwa kuti aifunga kuti anohwinha here, Woods akati achahwinha zvisinei nekuti ainge asina kukwikwidza kwenguva yakareba uye akataura nezvekukunda kwaakaita Rocco Mediate kumakwikwi eUS Open mugore ra2008 kunyangwe zvazvo ainge akakuvara paibvi.

“Ndakapindana nezvakawanda kumashure uye ndakaratidza kuti ndinozvigona,” akadaro Woods.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×