Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka

CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’.

Dambarefu idzva iri rine nziyo shanu dzinoti ‘Chichemo Changu’ ako vakaimba naTrymore Bande, ‘Vadzivisi’, ‘Ndichazviramba’, ‘Zvamafunga Kunamata’ na‘Mibvunzo Yenhando’.

Rinotevera dambarefu rechisere rinonzi ‘Ndasunungurwa’ iro rakaburwa gore radarika.

Mutungamiriri wechikwata ichi – Darlington Shungu Chizondo – anoti vari kurwira kutendeutsa vanhu kuti vazive kukosha kwekunamata Mwari.

“Rwendo rwatafamba sechikwata rwunofadza uye isu tinonzwa kufara zvikuru kuti Mwari vari kuramba vachitipa simba rekuti tirambe tichishumira vhangeri rake zuva nezuva, naizvozvo tinoramba tichingovarumbidza.

“Hazvinei nekuti ichechi ipi yaunopinda, enda ikoko unorumbidza Mwari, uchaona zvishamiso zvaachaita muhupenyu hwako,” anodaro Chizondo.

Mumwe wechikwata cheMabvazuva Choral Group – Trymore Nyandiro – anokurudzira vamwe vaimbi kuti vakoshese kutsikisa mhanzi inopa dzidziso kune veruzhinji uye kuvadzoreredza kuti vagoziva hukuru hwaMwari.

“Ini ndinoda kupa kurudziro kune vamwe vaimbi kuti mhanzi yatinobika ngaive inoshandura hupenyu hwevanhu. Ngatitsikise mhanzi inopa dzidziso kune veruzhinji vagoziva hunhu hwakanaka uye mararamiro akakosha muhupenyu.

“Isu sechikwata tiri kuzama kuti mhanzi yedu ive inovaka vanhu uye ive inodzororedza vanhu vagoziva kukosha kwekunamata Mwari. Matambudziko ose atinosangana nawo anopedzwa naMwari chete, hunge tikamunamata nekutenda maari tichirevesa,” anodaro Nyandiro.

Mabvazuva Choral Group inozivikanwa nedzimwe nziyo dzinosanganisira ‘Zvifananidzo’ ako vakaimba naObert Chari, ‘Zororo Kudenga’ na‘Baba Vanozvigona’.

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *