Machechi amiswa kushandisa zvikoro

Patrick Chitumba

VEMACHECHI avo vagara vachishandisa zvikoro senzvimbo dzekunamatira havachatenderwa kuita izvi.

Hurumende yatora danho iri senzira yekusimbaradza nyaya dzekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Hurumende inoti vemachechi vari kubhadhara rendi muzvikoro yekuti vakwanise kunamatiramo vanofanirwa kutsvaga dzimwe nzvimbo dzekunamatira.

Nekuda kwedanho iri, vemachechi vane chitsama vari kutsvaga nzvimbo dzekurenda kuti vanamatire.

KuGweru kune vamwe vemachechi vave kunamatira mumabhawa ayo ange asiri kushanda zvichitevera kuparara kwebhizimisi rekambani yeGo Beer Breweries iyo yaive pasi pekanzuru yeGweru.

Vemachechi ava vari kubhadhara rendi iri pakati peUS$10 neUS$20 pamwedzi zvichienderana nekukura kwenzvimbo yacho.

Pabhawa repaMkoba 9 pane mahoro maviri ari kupindirwa nemachechi akasiyana.

Aka ndekechipiri bazi redzidzo yepuraimari nesekondari richirambidza vemachechi kuti vanamatire muzvikoro.

Gore rapera gurukora rebazi iri, Ambassador Cain Mathema vakarambidza vemachechi kuti kupindira muzvikoro apo kunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzemunaChikumi kwakange kusati kwatanga.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakanyevenutsa matanho anotendera kuitwa kwemakungano emachechi asi paine chitsidzo chinoti vanhu vanoungana vachinamata havafanirwe kudarika 50 uye pachitevedzwa mitemo yakatarwa yekurwisa cheCovid-19.

Izvi zvakaona bazi redzidzo yepuraimari nesekondari richirambidzawo vemachechi kuti vasanamatire muzvikoro.

Vamwe vemachechi vave kunamatira pamhene panzvimbo dzisina zvimbuzi zvichitevera danho rakatorwa nebazi iri.

Muhurukuro, mukushi wemashoko kubazi iri – VaTaungana Ndoro, avo vanove director of communication and advocacy – vanoti vemachechi vange vachinamatira muzvikoro vakatoudzwa kuti vatsvage dzimwe nzvimbo dzekushandisa.

“Hongu, ndinotsinhira kuti vemachechi vakarambidzwa kushandisa zvikoro senzvimbo dzekunamatira uye izvi zviri kuenderana nematanho aripo ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Danho iri rine chinangwa chekuchengetedza vadzidzi nematicha,” vanodaro.

Meya wekanzuru yeGweru, Kanzura Josiah Makombe, vanoti vemachechi vakawanda vave kunamatira mumabhawa ekanzuru yavo asisashandiswe.

“Kune vemachechi vakawanda vasina zvivakwa kana masitendi ekunamatira. Vakadai ava vari kuuya kwaitiri vachitsvaga nzvimbo dzekuti vanamatire,” vanodaro.

Chirwere cheCovid-19 chiri kuonekwa chichinyuka kune zvimwe zvikoro zviri kumativi mana enyika izvo zviri kuita kuti Hurumende isimbaradze matanho ekuchirwisa pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOPs).

Kusvika nemusi wa16 Kubvumbi 2021, chirwere ichi change chanyuka muzvikoro zvebhodhingi zvinosanganisira St. Davids Bonda Girls School, kuManicaland neEmbakwe High School, kuPlumtree.

Vadzidzi 145 vepaSt. Davids Bonda ne91 vepaEmbakwe High vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×