Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akasunga vanhu vanomwe nemhosva dzekuba mombe 46 kuBikita nekuNdali, kuChiredzi mudunhu reMasvingo.
Mombe idzi dzose dzakawanikwa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotenda veruzhinji nekubatana nemapurisa kuburikidza nekuvanyevera maringe nemhosva dziri kuparwa munharaunda dzakasiyana dzenyika.
“Tinotenda zvikuru nemashoko anokosha ayo mapurisa edu akawaniswa neveruzhinji zvikaita kuti vanhu vanofungirwa kuti ndivo vakaba mombe munharaunda yeBikita neNdali vasungwe. Pari zvino mapurisa akasunga vanhu vanomwe mushure mekunge nyama pamwe nemidziyo yakadai semabakatwa ane ropa awanikwa kudzimba dzevamwe vevasungwa.
“Pakawanikwa zvekare nyama nemombe dzainge dzichangobva kuuraiwa, matehwe embudzi, makumbo nezvemukati,” vanodaro.
Vanoti izvi zvinotevera kubiwa kwemombe munharaunda yekwaChikuku nekuMungezi.
“Mushure mekutambira mashoko aya, mapurisa akakwanisa kusunga Cletos Mambeu (38), Tarisai Blesing Tinarwo (25), Resoro William (25) naMagunda Douglas (32) nenyaya dzekubiwa kwemombe munharaunda yeBikita kubvira mumwedzi waNdira 2020 kusvika 2021.
“Mushure mekuferefeta, mapurisa vakakwanisa kuwana mombe 46 kubva kudzimba 20 dzakapoteredza nharaunda iyi. Mumwe wevari kupomerwa mhosva, Felix Ndodyei, uyo anoshanda semudhumeni kuchikamu chinoona nezvezvipfuyo, haasati abatwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti Ndodyei anonzi ndiye aibatsira nekugadzira magwaro emanyepo ekunyoreswa kwezvipfuyo zvaibiwa izvi achishandisa nzira dzechitsotsi.
Mune imwe nyaya inodyidzana neiyi, mapurisa ekuNdali kuChiredzi akasunga Tinevimbo Shumba (28) naTedius Sithole (32) nemhosva dzekuba zvipfuyo munzvimbo iyi nemusi wa22 Kurume gore rino.
“Mapurisa aiona nezvekufamba kwemotokari mumigwagwa weNgundu-Tanganda Road vakaziviswa kuti vapari vemhosva ava vaingombeya-mbeya paRupangwana Business Centre munguva dzisingatenderwe kufamba (curfew). Mapurisa akava nefungidziro ndokuvabvunzurudza asi mumwe wavo akabva atiza. Ongororo yakazoitwa pachibva pawanikwa banga raive neropa uye masaga maviri akanga aine nyama,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachifumura vapari vemhosva kuburikidza nekuchaya nhare dzinoti: (0242) 748836 kana WhatsApp 0712800197




