MaChevrons opinda muhondo

Abel Ndooka

ZIMBABWE CRICKET yakadoma chikwata chayo cheTwenty20 International Series chichabandana nePakistan neSri Lanka mumutambo weTriangular series.

Mutambo wezvikwata zvitatu izvi uchatora nzvimbo kuRawalpindi neLahore munyika yePakistan.

Chikwata chenyika ichi chiri kushandisa mitambo iyi segadziriro apo chakatarisana nemutambo weICC Men’s T20 World Cup, uyo uchatambirwa kuIndia neSri Lanka.

MaChevrons achange achitungamirirwa naSikandar Raza mumutambo wokutanga musi wa17 Mbudzi, apo achasangana nePakistan kuRawalpindi; ozosangana neSri Lanka munhandare imwe cheteyo nemusi wa19 Mbudzi.

Apedza kutambira kuRawalpindi, maChevrons achazoenda kuLahore, uko achazonotamba mitambo yeround robbin inenge yasara. Achasangana nePakistan musi wa23 Mbudzi, ozotatsurana neSri Lanka musi wa25 Mbudzi.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviine zvibodzwa zvepamusoro pazvikwata zvitatu izvi ndizvo zvichazobandana mufainari, iyo ichatambirwa kuLahore musi wa29 Mbudzi.

Zvisinei, chikwata chemaChevrons ichi chichange chisina mutambi wacho wepamusoro, Blessing Muzarabani, sezvo akakuvara musana.

Muzarabani aive muchikwata chemaChevrons chakatamba neAfghanistan nguva pfupi yadarika. Achatsiviwa naNewman Nyamhuri.

Chikwata chemaChevrons:

Sikandar Raza (kaputeni), Brian Bennett, Ryan Burl, Graeme Cremer, Bradley Evans, Clive Madande, Tinotenda Maposa, Wellington Masakadza, Tadiwanashe Marumani, Tony Munyonga, Tashinga Musekiwa, Dion Myers, Richard Ngarava, Newman Nyamhuri naBrendan Taylor

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *