Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chemaChevrons chiri muhondo kuQueens Sports Club, kuBulawayo, chichitatsurana necheNew Zealand mumitambo miviri yeTest series.
Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi wakatanga nemusi weChitatu svondo rino uye unotarisirwa kupera musi wa3 Nyamavhuvhu.
Mushure mezvo, zvikwata izvi zvichamboenda pazororo kwenguva pfupi, zvozotanga kubandana zvakare mumutambo wechipiri, uyo uchatanga musi wa7 Nyamavhuvhu uye uchizopera musi wa11 Nyamavhuvhu. Masvondo adarika, maChevrons neNew Zealand zvaikwikwidza mumutambo weTwenty20 International Triangular Series, uyo waive uine chikwata cheSouth Africa chemaProteas zvakare.
New Zealand ndiyo yakahwinha mutambo uyu weT20I Tri-Series, uyo wakatambirwa kuHarare Sports Club. Yakakunda maProteas mufainari yainakidza zvekukunda ngoma kurira.
Zvichitevera kupera kwawo, maChevrons neNew Zealand zvakabva zvananga kuBulawayo, uko zviri kutamba mumitambo miviri yeTest series.
Zimbabwe yakaumba chikwata chakasimba, icho chine vatambi vanosanganisira Craig Ervine, Sikandar Raza, Sean Williams, Brian Bennett, Roy Kaia, Tanunurwa Makoni naDion Myers.
Bennett ari kudzoka muchikwata ichi mushure mokunge atadza kutamba mutambo weTest weZimbabwe neSouth Africa svondo radarika sezvo ainge akakuvara musoro. Nekune rimwe divi, New Zealand ichange isina kaputeni wayo — Tom Latham — sezvo akakuvara nguva pfupi yadarika apo chikwata chake chaitamba neEngland.
Asi Latham ari muchikwata cheNew Zealand chakauya kuzotamba nemaChevrons.
Sokutaura kweNew Zealand Cricket, mutambi uyu acharamba ari muchikwata chavo, vaine chivimbo chokuti achapora nenguva kuti azotambe mutambo wechipiri weTest, uyo uchatanga musi wa7 Nyamavhuvhu.
Pamutambo wemaChevrons neNew Zealand, zvikwata zviviri izvi zvichange zvichitatsurana kekutanga kubva mugore ra2016 apo New Zealand yakazohwinha mitambo yeTest miviri, iyo yakatambirwa zvakare kuQueens Sports Club kuBulawayo.




