Machiri hutu nemubairo

Muchaneta Chimuka

MUNYORI weKwayedza, Daphne Machiri, nemusi weMuvhuro uno akahwapura mubairo weAfrican Charter on Democracy, Elections and Governance (ACDEG) (first runner-up) mushure mekunyora nyaya zvine hunyanzvi pamusoro pekukosha kwekuti vanhukadzi vapinda mune zvematongerwo enyika.

Makwikwi aya akarongwa nesangano reActionAid Zimbabwe.

Machiri akaenda kumba nechitupa pamwechete nemakutukutu emari.

Nyaya yakamuwanisa mubairo yakabuda mubepanhau reThe Herald munaGumiguru gore radarika iyo yaive pamusoro pekukosha kwevanhukadzi mune zvematongerwo enyika.

“Ndinofara zvikuru nekuwaniswa dzidziso nesangano reActionAid Zimbabwe iro rakaita kuti ndikwanise kuva neruzivo maringe nenyaya dzehutungamiriri kubvira hwemakanzura, dare reParamende nezvematongerwo enyika. Kuburikidza nedzidziso iyi, ndava munhu ava kukwanisa kunyora nhau ndiine ruzivo rwakakwana zvikuru tichitarisa nyaya dzekusimukira kwemadzimai,” anodaro Machiri.

Mai Takaitei Bote, avo vanova mukushi wemashoko kuActionAid Zimbabwe, vanoti sangano ravo rinokoshesa kudyidzana kwarinoita nevatori venhau.

“Tinofara zvikuru kuti vatori venhau vakakwanisa kutevedza zvose zvaidiwa mumakwikwi aya izvo zvakaona vachisarudzwa seshasha,” vanodaro.

Chiitiko chekupihwa kwemibairo ichi chaitepfenyurwa pamasai-sai eZimpapers Television Network (ZTN) muguta reHarare pamwe chete nepadandemutande reFacebook resangano reActionAid Zimbabwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×