ZC yorongera Pakistan

Abel Ndooka

CHIKWATA cheZimbabwe Cricket (ZC) chemaChevrons svondo rino chakatanga gadziriro dzekuenda kunokwikwidza nePakistan mumitambo mitanhatu yeOne Day International nemitatu zvekare yeTwenty20 International.

Uyu uchave mutambo wekutanga wechikwata ichi chichienda kunze kwenyika kubva kumiswa kwakaitwa mitambo yakasiyana pasi rose nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mwedzi wadarika, ZC yaifanira kusangana neAfghanistan asi mutambo uyu wakazomiswa zvakare nekuda kwedenda iri. Zvisinei, vatambi vechikwata chenyika ichi vakaramba vachiita gadziriro dzavo vari kudzimba. Mukushi wemashoko weZC, Darlington Majonga anoti mutambo uyu uchaona ZC ichitamba mitambo yekutanga yeICC Cricket World Cup Super League.

Zvikwata zviviri izvi zvichatatsurana mumitambo mitatu yeODI ichatanga musi wa30 Gumiguru uye mimwe miviri ichizotambwa musi wa1 na3 Nyamavhuvhu.

Kana mitambo iyi yapera, zvikwata zviviri izvi zvichatatsurana zvakare musi wa7, 8 na10 Nyamavhuvhu mumitambo yeT20 International Series.

“Gadziriro dzedu dziri kufamba zvakanaka uye tine tarisiro yekuti tichaenda kuPakistan kunotamba mitambo mitanhatu iyi pasina chikoneso.

“Gore rino, takatadza kutamba mitambo mizhinji asi haticheme hedu nekuti chakakosha kuchengetedza hupenyu hweveruzhinji. Saka pari zvino zvinenge zvave kuendeka nekudaro tinotarisira kunosangana nePakistan,” anodaro Majonga.

Mwedzi yadarika, ZC yaifanira kutamba nezvikwata zvinosanganisira Afghanistan, Ireland neAustralia asi mitambo iyi yose yakamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×