Madhamu aserera zvikuru: Zinwa

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE National Water Authority (Zinwa) inoti madhamu mazhinji munyika aderera huwandu hwemvura zvakaipisisa zvichitevera kupisa kwakanyanya kuri kuita kunze uye kunyanya kushandiswa kwemvura mudzimba nemumadiridziro.

Mukushi wemashoko kuZinwa, Mai Marjorie Munyonga, vanoti kutanga kwemwedzi waMbudzi gore rino, madhamu ose munyika aderera huwandu hwemvura nechikamu chepakati nepakati che53 percent.

“Kuderera kwemvura mumadhamu munyika yose kwava pasi pechikamu che17.9 percent kureva kuti kwava pasi pechikamu che70.9 percent chinova chikamu chakarekodwa panguva imwe chete iyi gore rapera. Gwayi Catchment yaderera nechikamu che38.3 percent, Manyame Catchment 75.9 percent, Mazowe Catchment 79 percent, Mzingwane Catchment 47.6 percent, Runde Catchment 44.2 percent, Sanyati Catchment 52,1 percent kuchizoti Save Catchment 63.6 percent,” vanodaro Mai Munyonga.

Vanoti kukwira kwekudziya kwekunze kunowanzofambidzana nekushandiswa kwakanyanya kwemvura nokudaro Zinwa inokumbira kune vose vanoshandisa mvura kuti vaisevenzese zvine hungwaru.

“Kune avo vari kushandisa mvura yeZinwa semumadhamu, tinovakurudzira kuti vatevedze mutemo iweWater Act. Kushandiswa kwemvura yepasi kunotendera Zinwa kuti inge ichinyorerana chibvumirano chekushandiswa kwemvura uye kuronga nezvenzvimbo dzakakodzera kuti mvura inge ichitorwa kubva pasi. Kushandiswa kwemvura iyi pane zvimwe zvinhu zvakadarika zvakanyoreranwa pachimbvumirano imhosva inoendesa kujeri,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu vese vari kushandisa mvura yepasi pasina magwaro eZinwa kuti vashanyire mahofisi avo pachine nguva kuti vawaniswe magwaro ekuishandisa zviri pamutemo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *