Zim yamisa mombe nenyama zvinobva kuSA

Elita Chikwati

HURUMENDE yamisa kuunzwa kwemhuka dzine mahwanda munyika nezvinogadzirwa kubva madziri kubva kuSouth Africa.

Mhuka idzi dzinosanganisira mombe, mbudzi, hwai nenguruve.

Izvi zvinotevera chiziviso kubva kuvakuru veSouth African Veterinary nezvechirwere chemahwanda (foot and mouth) parimwe purazi riri kudunhu reMolemole, kuLimpopo Province musi wa1 Mbudzi gore rino.

Mashoko kubva kuchikamu chemuno cheVeterinary Sevices kubazi rezvekurima nekugariswa kwevanhu patsva anoti veruzhinji vamiswa kupinza mombe mhenyu, mbudzi, makwai nenguruve kubva kuSouth Africa.

Mukuru weDepartment of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, vanoti South Africa iri mubishi kuronda kwakafamba nehutachiona hwechirwere ichi, kuti hutachiona uhu hwafamba zvakadii nekuongorora kuti zvakafamba sei uye nzvimbo dzingangosvika denda iri nekuti rakabva nepi.

“Zvichienderana nemutemo weAnimal Health Act, CAP 19:01, chikamu cheVeterinary Services chamisa kupinzwa kwemhuka mhenyu dzine mahwanda (mombe, mbudzi, makwai nenguruve) nezvigadzirwa kubva kumhuka idzi kusvika pabuda humboo hwakakwana maererano nekuparara kwechirwere ichi kubva kuchikamu cheSouth African Veterinary Authorities.

“Kumiswa kwekupinda kwemhuka idzi nezvinogadzirwa kubva madziri idanho rekuderedza kupararira kwedenda iri muZimbabwe.  Chikamu chedu chicharamba chakamirira mashoko kubva kuSouth Africa netarisiro yekuti kutengeserana pakati penyika mbiri idzi kurambe kuripo panongopera denda iri,” vanodaro Dr Manyika.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *