MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO

MUTSIKA dzedu tine zviitiko nezviratidzo zvatinoti tasangana nazvo toti zvinoshura.  Mashura aya tinoatora sokuti ari kutoreva kana kudimikira chimwe chinhu chatinenge tichazosangana nacho.
Vakuru vanotove netsumo inoti, “Chati homu chareva”. Tikatora muenzaniso wekamhuka kanonzi “tsindi” kana “hovo”, kakaonekwa kachidimbura nemberi kwenzira yauri kufamba nayo, wotobva waziva kuti zvauri kufambira zvichapata kana kuti mashangurapata.

Zvichida uri kufambira kana kutevera chikwerete unenge uchanoshaiwa chouviri.

Regai tichisakura munda wacho:
1. Kurwa kwehuku pedyo newe – kushura kuuya kwavaenzi.

2. Kuchema kweimbwa dzichibvumirana — muchawirwa nerufu.

3. Kuvaviwa pakati pechanza — uchabata mari.

4. Kupfura-pfura kweziso nechekuzasi — kunoshura kusuwa.

5. Kusangana nenyoka inonzi tsutsukuviri (nyoka ine misoro miviri) — zvinoshura rufu.

6. Kugumburwa kwegumbo rerudyi — uchasuwa.

7. Kuona kachisvosve kanonzi “chishuranyama” — kanoshura kudyiwa kwenyama.

8. Kutenderera  kwenjiva pedyo newe – vaenzi vari kuuya.

9. Kuchema kwegwai muchinge moda kuriuraya – zvinoshura rufu. (zviri nane kuchitorisiya).

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×