PANE NYAYA

SVONDO rega-rega vana vechikoro nezvikoro zvenyu munogona kuzvihwinira bhuku raIgnatius T. Mabasa rinonzi “IMBWA YEMUNHU”.
Chamunongoita bedzi, kupedzisa kunyora nyaya yamaparurirwa pazasi iyi. Nyaya inenge yakunda dzimwe pasvondo ndiyo inowana mubayiro wemwana newechikoro chake.

Nyaya yacho ngairebe mazwi zana nemakumi mashanu chete (150), kwete kudarika. Tumira nyaya yako kuMupepeti paEmail inoti: [email protected] kana kuunza kumahofisi eKwayedza ari paHerald House muHarare, kuManica Post kwaMutare kana kuChronicle House kuBulawayo wakanyora kuti “PANE NYAYA”, uchitaura zita rako, makore ako nezita rechikoro. Unenge watohwina iwe nechikoro chako! Chipedzisa nyaya yawatangirwa ine musoro unoti:

BENZI RAPINDA MUMBA

Sekuru, kurumidzai kuuya kuno. Pane benzi riri kurambira mumba medu.

Related Posts

Mwanakomana oshungurudza baba vake (91) achida kuvadzinga pamba

Tendai Vambe MURUME ane makore 91 okuberekwa akapiwa gwaro rekumudzivirira kubva kumhirizhonga inokonzerwa nemwanakomana wake, waakapomera mhosva dzekumushungurudza, kumurova, pamwe nekutyisidzira kumudzinga pamba pake. Nyaya iyi yakanzwikwa muMutare Civil Court,…

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×