Ticha Danga
KUDUNHURIRWA kwemazita kunouya kubudikidza nezvakawanda zvinoitika mukararama kwevanhu. Vanhu vanodunhurira mazita vachirumbidza tsika dzinoitwa nevanhu. Vamwewo ndivo vanodunhurirwa mazita kubudikidza nezvinzvimbo zvavainazvo.
Tikashandisa mazita emadunhurirwa murondedzero dzedu dzinobva dzadzama nekunakidza zvikuru.
Tikati baba vaChipo ndivaChipavhurire chaivo tinenge tichireva kuti vanopa zvikuru.
Kana vachinge voda kubatsira vanobva vaita kupavhurira, ndiko kusaka vakadunhurirwa zita iri.
Vamwe vanhu vane rugare neupenyu hwakanaka zvekuti hapana chavanoshaya muupenyu hwavo. Kana iri mari nehumwe hungwanda-ngwanda hweupfumi, zvinoshokorana nekukweshana nekuti zvakawanda zviya zvekutotsikirirana.
Ikoko kushokorana kwendarama nehumwe upfumi kunoita kuti vambozha ava vadunhurirwe zita rekuti shokoshoko kana shoroma.
Zvinzvimbo zvakakosha muupenyu zvinopihwa kana kugarwa nevanhu vakaita mukurumbira kana kudzidza zvemhando yepamusoro uye vanoremekedzwa.
Vanhu ava vanenge vasisangosvikirwa pedyo nana punha zvavo. Ndivo vaya vanonzi vana mutekwatekwa. Ndizvo zvibwezvitedza, mizindaisikwiriki.
Vamwe vanhu zvishwaturo chaizvo mukuroya zvekuti vakakuti hauridyi ramanheru zvirokwazvo unodzisiya nyemba ramanheru risati rakubvurwa.
Zvishwaturo izvi zvinenge zvichitotyisa kusvikira pamusha pazvo.
Chese chavanoda kwauri unotopa nekuti vanenge vototyisa. Ndivo vanodunhurirwa kunzi VaMuroyindishe.
Mumaruwa matinogara mune vamwe vanhu vanozivikanwa kwazvo nepamuromo pasingamharwi nenhunzi.
Vanhu ivava vanotaurisa uye vanenge vachifoya kana kureva nhema.
Ava vanhu vanodaidzwa kana kudunhurirwa kunzi vana Chimwayange.
Vanokusha manyepo uye kana votaura havamedzi mate.
Kune vanhu vakuru kwazvo pamazera ekuzvarwa.
Vazhinji vavo ndivo vanenge vari vana Chipangamazano nekuti vave nedenhe rizere ruzivo. Vaona zvakawanda mukurarama nekudaro ruzivo rwavo rwakurisa.
Vakweguru ava vanodunhurirwa kunzi vasharukwa. Kana munhu aine muviri muhombe kazhinji kacho anoita dumbu rakakura.
Ndipo unonzwa vanotaura voti paita zvachamatumba apa. Vanenge vachireva hwitakwi yemunhu.
Datanana izita rinodunhurirwa munhu uya anenge akapusa zvakanyanya.
Haana kana chimwe chete chinozivikanwa. Anenge achingoutsaira riri rima zvaro. Datanana ndiro fuza.
Zvino kana yava nyasire kwava kumakwishu.
Nyasire munhu uya anofarira kuita zvisina kururama.
Anofarira kuita zvehundururani zvinobaya moyo yevamwe. Nyasire yakafanana nemharapatsetsetse.
Kana iya inonzi tsvuura muromo. Ndiye munhu mumwe chete nemboora.
Kana yava mbimbindoga zvati torei rimwe gwara.
Mbimbindoga munhu ane hundini ndini. Haadi kuterera kana kupihwa mazano nevamwe.
Anoda kuita zvake oga uye anozviita muzivi wezvose.
Mbimbindoga inonoti siyanei nevhevhe.
Vhevhe munhu anonyengera vanhu kuti vamupe chaanenge achida.
Chemarengenya ndiye munhu anogara akangopfeka mamvemve kana matsoto.
Zvimwe zvinokonzerwa nekushaya nekudaro omandikupfeke dziya dzinopedzisira ava marengenya.




