Mupurisa akamedza mari yemapepa

MUPURISA anoshandira kuBulawayo anonzi akamedza $2 yemapepa yepa$3 yaainge apihwa sechiwoko muhomwe kuti abvumire vatsigiri venhabvu kupinda kunoona mutambo waive pakati peDynamos neHighlanders kuBarbourfields Stadium nemusi weSvondo wadarika mushure mekuonekwa nemumwe waaishanda naye.

Mutambo uyu waibhadhariswa $5 pamunhu kudivi rakaitika izvi.

Bishop Mwembe (29), uyo anosevenzera paMzilikazi Police Station, ari kunzi akazama kumedza madhora maviri ebepa apo akaonekwa nemumwe waanoshanda naye achipihwa mari yechiwoko muhomwe nevamwe vaida kupinda munhandare iyi.

Anonzi akakwanisa kumedza chimedu chemari iyi, pamwe pacho achitogudubira mvura kuti idzike.

Mwembe, uyo nyembe dzake dzisina kuziviswa mudare, akamira pamberi pamutongi weBulawayo Magistrate Court, Charity Maphosa, nemusi weMuvhuro svondo rino akatarisana nemhosva yekushandisa hofisi yebasa zvisirizvo.

Ari kuramba mhosva iyi uye mutongi Maphosa akamuti adzoke zvakare kudare musi wa30 Chikunguru apo anenge achitongwa achibva kumba.

Muchuchisi Nkatazo Dlodlo akaudza dare kuti nemusi weSvondo nenguva dza3:30 masikati, Mwembe akanzi ashandire kuBarbourfields achiongorora vatsigiri venhabvu vaipinda nekumagedhi anoti 17, 18, 19 ne20.

Dlodhlo anoti Velokuhle Ncube akazoona Mwembe achipihwa mari nevatsigiri venhabvu vatatu vakapinda munhandare iyi vachishandisa gedhi renhamba 18.

Ncube akabva amubata bhandi rake ndokumuudza kuti amupe mari iyo ainge akapfumbatira asi akaramba apo Mwembe akabva aikabira mukanwa ndokutanga kuitsenga-tsenga.

Ncube anonzi akazodhonza Mwembe kuenda naye kune rimwe gedhi hombe uko musungwa uyu akasvika ndokukanda mari iyi kunze kwegedhi.

Audrey Mtali, uyo aishanda pamwe chete nevaviri ava panguva iyi, anonzi akabva aenda ndokunhonga mari iyi apo Mwembe akaedza zvakare kuibvuta asi ndokutadza.

“Mtali akapa mari iyi kuna Ncube asi Mwembe akaibvuta zvakare apo yaida kupihwa kune mumwe mupurisa kuti igozoshandiswa seumboo,” akadaro Dlodlo.

“Mwembe akatsenga-tsenga mari iyi kechipiri asi akadonhedza dhora iro rakanhongwa naNcube. Akabva atsenga-tsenga rimwe dhora racho ndokubva aribvarura kuita zvidimbu izvo zvakazonhongwa naMtali akazvipa Ncube.”

Pavakasvika muBarbourfields Police Post, Ncube anonzi akapa mari iyi kune vakuru vavo vebasa vaivepo asi Mwembe akaibvuta zvakare ndokuedza kuimedza.

Mwembe anonzi akatora mudziyo waive wakazara nemvura ndokunwa achida kumedza mari iyi asi zvakakona.

Dlodlo anoti zvidimbu zvemari yakabvarurwa naMwembe zvinogona kuburitswa mudare sehumboo. – Chronicle.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×