‘Madzimai batanai pakurwisa Covid’

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vari kukurudzira vanhukadzi kuti varambe vachifambisa nyaya dzine chekuita nebudiriro yenyika uye kubatana mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura nemusi weChitatu apo vaiparura chirongwa chevanhukadzi vari mune zvematongerwo enyika icho chaitsigirwa nesangano reUN Women muguta reHarare, Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe pari zvino iri kuedza nepose painogona kurwisa Covid-19 iyo iri kuderedza budiriro yeupfumi hwenyika.

“Kuuya kwechirwere cheCovid-19 munyika muno kwakakanganisa mabasa mazhinji ane chekuita nebudiriro yedu madzimai. Kunyangwe kune vari mune zvematongerwo enyika, zvava kurema kuti vawane nguva yekukurukura nevatsigiri vavo sezvo kuungana kwevanhu kuri kurambidzwa.
“Nokudaro inguva yekuti vanhu vachishandisa ruzivo rwechizvino-zvino seindaneti kuita misangano nezvimwe zvinoita kuti chirwere ichi chisapararire. Ngatibaiwei majekiseni ekudzivirira chirwere ichi kuti tikunde pamwe nekupfeka mamasiki uye kugeza maoko nguva nenguva,” vanodaro.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kukosheswa kwekodzero dzemadzimai nekuenzaniswa kwemikana” apo madzimai ari kucherechedzwa mumabasa avanoita mukusimudzira nyika.

“Nyika ino ndeyedu, saka ibasa remunhu mumwe nemumwe kuona kuti aita basa rake kuti isimukire.”

Sen Mutsvangwa vanoti vane shuviro yekuona madzimai akawanda achitora zvigaro zvepamusoro mumabasa nemunyaya dzematongerwo enyika.
Vanhukadzi, vanodaro Sen Mutsvangwa, kana vachinge vapihwa zvigaro zvepamusoro havafanirwe kumirira kuita vanhu vekupemha kana kunzwirwa tsitsi, asi kuratidza hunyanzvi hwavo kuburikidza nekushanda nesimba.

Gore rino, nyika dzepasi rose dziri kupemberera kusvitsa makore 25 kubvira pakasainiranwa chibvumirano cheBeijing Declaration and Platform for Action icho chine donzvo rekusimudzira vanhukadzi muraramo yavo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×