Mudzimai asununguka vana 9

MUDZIMAI ane makore 25 ekuberekwa wekuMali akasununguka vana vapfumbamwe – vasikana vashanu nevakomana vana – avo vanove vakawanda nevaviri pane vakange vamboonekwa mudumbu rake nemachiremba apo vakamuvheneka.

Halima Cisse akabara vana ava avo vanodaidzwa kunzi “nonuplets” kuMorocco uko hurumende yekuMali yakange yamuendesa kuti anochengetedzwa nemachiremba vane hunyanzvi.

“Ndiri kufara chaizvo,” murume wake anodaro.

“Mudzimai wangu nevana vari kuita zvakanaka”.

Gurukota rezveutano rekuMali, Fanta Siby, rakorokotedza machiremba ekuMali nevekuMorocco nebasa guru ravakaita pakusunungutsa amai ava.
Mumwe mudzimai akaita vana vasere kuUnited States mugore ra2009, ndiye ari mubhuku renhoroondo reGuinnes World Record panyaya yekusununguka vana vakawanda kamwe chete uye vose vakararama.

Munhoroondo, ma”nonuplets” akasunungukwa kekutanga kuAustralia mugore ra1971 kozoita mamwe kuMalaysia mugore ra1999, asi vana ava vose havana kurarama kwemazuva akawanda. – BBC.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×