Mahrez odiwa nezvikwata

ZVICHITEVERA kutanga mwaka mutsva wePremier League vachipisa semoto, mutambi weLeicester City — Riyad Mahrez — ari kudiwa nezvikwata zvakawanda apo pachatanga kutengeswa vatambi muna Ndira.

Chizvarwa chekuAlgeria ichi pamwe chete naJamie Vardy, vabatsira Leicester kuti ive pamusoro pelog reEPL uye mwaka wavo uri kunakidza zvikuru.

Achitaura neTelefoot, Mahrez akaramba kutaura zvakanyanya pamusoro penyaya yekuti anogona kubva kuKing Power Stadium odzokera kunotambira nhabvu yake kuFrance.

“Pandaitambira muLigue 2 ndaida chaizvo kuramba ndichitambira nhabvu ikoko uye ndaishuvira kuzotambira nhabvu muLigue 2.

“Asi iye zvino handifunge kuti ndichadzokera kuFrance. Handifunge kuti ndichaenda ini.

“Pane tunyaya-nyaya turi kubuda, asi ini zvangu ndinofara zvikuru kuno kuLeicester, kunyanya iko zvino apo tiri kutungamira tiri pamusoro pelog,” akadaro.

Mahrez akatamba nhabvu inonwisa mvura svondo radarika apo chikwata chaClaudio Ranieri chakaramba chichitamba nhabvu inodakadza zvikuru pachakakunda cheEverton 3-2. Mutambi uyu akanwisa kaviri kubva pabhora remugadzikirwa (pena), izvo zvakabva zvamuona achikwikwirira pakunwisa muEPL, parizvino anwisa ka13 muPremier League uye mumitambo mitatu yadarika anwisa katanhatu.

Leicester ndiyo iri kutungamira iri pamusoro pelog, svondo rino ichasangana nechikwata chaJurgen Klopp cheLiverpool icho chisiri kutamba zvakanaka parizvino pazuva reBoxing Day uye yozosangana neManchester City musi wa2 Ndira. — Daily MailOnline

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×