NBSZ yoita chenjedzo kuruzhinji pakupa ropa

SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe rakaparura chirongwa chepadandemutande chakananga kupa veruzhinji ruzivo pamusoro pekupa ropa pamwe nechenjedzo yakasiyana maringe nekuchengetedza utano hwavo.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi, reYouth Donor Day, muguta reHarare, Muzvare Esther Massundah vanove public affairs manager weNBSZ, vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira kufambiswa kwemashoko ari maringe nekupa ropa.

“Taparura chirongwa ichi kuitira avo vanoda kuve neruzivo maererano neNBSZ, takanyanya kunangana nevanopa ropa gore negore. Tinenge tichivazivisa mafambiro anenge achiita zvirongwa zveNBSZ.

“Chirongwa ichi chinoita kuti avo vanopa ropa vakwanise kuona mazita avo nemapiro avanenge vachiita ropa iri,” vanodaro.

Muzvare Massundah vanotenda vanhu vakawanda avo vanozvipira kupa ropa.

“Chirongwa chekupa ropa chiri kuitwa mapurovhinzi ose munyika uye vechidiki vari kupa ropa vawanda.

‘‘Tinotenda nerubatsiro urwu nekuti kune vamwe vasiri kudarika kupa ropa,” vanodaro.

Muzvare Massundah vanotiwo kunze kwekukurudzira kupa ropa, sangano ravo rinopawo chenjedzo pamusoro pekukosha kwekuzvibata panyaya dzepabonde.

“Mukuita zvirongwa izvi tinokurudzirawo zvakare avo vanopa ropa kuti vagare vakachenjerera utano hwavo panyaya dzepabonde.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×