Mufundisi odzoka mukarate

SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, anoti ari kutarisira kuti kutanga kwegore ra2016 ange ave kukwikwidza mumakwikwi akasiyana zvichitevera kupedza kwaakaita gore rose agara achirapwa gumbo rake.

Sensei Mufundisi akatyoka gumbo mugore ra2014 apo akakava mutambi wekuUkraine uyo waairwa naye musemi-fainari yemutambo weIKO Kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Tournament waitambirwa kuSouth Africa.

Mumutambo uyu, Sensei Mufundisi akazohwina menduru yebhuronzi sezvo akazokundikana kufambira mberi kuenda kufainari atyoka gumbo.

Sensei Mufundisi mumwe wevatambi vane mukurumbira muZimbabwe uye ane mbiri yekuhwina menduru dzakawanda mumitambo yakasiyana yemuno pamwe neyekunze kwenyika nekudaro kukuvara kwake kwakambodzosera nyika kumashure mumutambo uyu.

Kubva paakakuvara, Sensei Mufundisi ange achishanda nesimba kuti agokwanisa kudzoka mumutambo uyu akwikwidze zvakare. “Rwendo rwekupora kwangu rwange rwakareba zvikuru asi ndinofara kuti gumbo rangu rapora manje ndinotarisira kuchitanga kukwikwidza.

“Chirongwa chekugadziridza gumbo rangu chakafamba zvakanaka uye izvezvi ndave kutoita gadziriro dzangu kuti panotanga gore idzva ndinge ndave kukwanisa kukwikwidza mumitambo yakasiyana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×