Zvikwata zvosangana muCopa Coca-cola Provincials

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kumapurovhinzi ose emunyika uko zvikwata kubva kuzvikoro zvakasiyana zvichabandana mumutambo weCopa Coca-Cola Provincial Finals nemusi weChishanu.

Mumakwikwi aya, mapurovhinzi achange achitsvaga chikwata chimwe chete icho chichazonoamirira kumafainari emutambo uyu uchatambirwa kuGwanda, kuMatebeleland South kubva musi wa22 kusvika 24 Chikunguru.

Zvikwata 18 zvinoti zvipfumbamwe zvevakomana nezvipfumbamwe zvakare zvevasikana zvichange zvichitatsurana nechinangwa chekuhwina mukana wekuenda kunomirira purovhinzi yazvo kufainari iyi.

Masvingo neMatebeleland South zvichange zviine zvikwata zvina mumutambo uyu, zviviri zvevakomana nezviri zvevasikana.

KuMasvingo ndiko kune shasha dzegore radarika — Dewure High iyo yakahwina mukombe wevakomana neChidyamakono High School yakahwinawo mutambo wevasikana.  Matebeleland South ichange ine zvikwata zvichabva kuGwanda High School neColleen Bown.

Head-in-charge weHarare Province, Ropafadzo Matevayi, anoti vari kuda chaizvo kuhwina mukombe wegore rino saka zvikwata zvavo zviri kushanda nesimba.

Matevayi anoti akatenderera Harare yose achiona mitambo mizhinji yekumadistrict uko anoti akafadzwa netarenda rizere mupurovhinzi yavo izvo zvinorakidza kuti vachahwina mukombe wegore rino. “Hatina chimwe chatiri kufunga nezvazvo asi mukombe chete, ende ndewedu hapana chinotitadzisa kuuhwina gore rino.

“Ndakatenderera ndichiona mitambo yakawanda, zvandakaona zvinofadza zvikuru zvekuti tiri kuona tichienda kuGwanda tichidzoka nemukombe uye hapana chinombotitadzisa kuzviita,” anodaro Matevayi.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×