‘Mai bhoyi ndapota zvangu huya tidzokerane

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI anogara mumusha weHighfield, muHarare, anoti aimbove murume wake ari kumuteveredza achimudemberera kuti vadzokerane asi iye ari kuti haachadi nezvake zvachose nekuti pavainge vachiri pamwe chete airarama upenyu hwekurohwa.

Rosemary Joseph akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Dzikamai Gondongwe achida gwaro redziviriro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Joseph gwaro rinomudzivirira.

Joseph anoti Gondongwe anomuteverera kwaanoenda nekuuya kwaava kugara nekwaanoshandira kunyangwe hazvo ari iye akamudzinga.

“Baba ava vaimbova murume wangu asi takasiyana.

Vakanditi ngatirambanei kana kuti ndaizongowana pamba pakakiwa.

Semunhu akaona kuti kwaiva kudzingwa, ndakabva pamba pedu pemuchato.

Paiva pamba patezvara vakashaya kare.

Kubvira patakachata nemurume uyu, ndaingogara ndichirohwa,” anodaro.

Joseph anoti Gondongwe anomuudza kuti achiri kumuda asi haasisina tarisiro yekuti vachagara vose zvakare.

“Ndakazokwanisa kusiya imba nekuti vana vedu vakura, mudiki ndiri kugara naye. Ndakambovamhan’arira vakasungwa, vakatiza ndakazongokanzurisa nyaya.

Vanoti vachiri kundida asi hapana tarisiro yekuti tichadzokerana.

Handingadzokere kunorohwa, ndaishingirira nekuti ndaigarira vana. Ndaguma handichada,” anodaro Joseph.

Anoenderera mberi achiti, “Dai dare randibatsira murume uyu arega kunditeverera nekuuya kumba kwandave kugara kana kuenda kuchicabin changu chandinorukira.”

Gondongwe anoti achiri kuda mudzimai wake saka anoda kugara achimuona kuti vakwanise kugadzirisana pavakatadzirana.

“Mudzimai ndichiri kumuda, dai maregera kundirambidza kunomuona. Z

vimwe ndikagara ndichimuona tokwanisa kutaurirana takadzokerana.

“Ndinoda kuvashanyirawo kumba kwavo kwavari kugara.

Mukadzi wangu uyu tava nemakore tiri tese.

Handichavarove kana kuvatuka, ndakatobatikana nekusava kwavo kumba,” anodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *