KWAYEDZA

Mai Duri vopemberera makore 18 vachiita zvemhanzi

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira Edwick Duri, uyo vazhinji vanoziva saMai Duri, ari kupemberera makore 18 achitsikisa mhanzi.

Mai Duri vakapinda mune zvemhanzi mugore ra2008, uye kusvika parizvino, vakwanisa kubura madambarefu manomwe.

Gore rino, apo vari kupemberera makore 18 vachitsikisa mhanzi, Mai Duri vakaparura dambarefu ravo rechinomwe rinonzi “Tigarisane Murudo Murudo”, iro rakabuda nguva pfupi yadarika.

Mai Duri vakati kukwanisa kusvitsa makore 18 vachitsikisa mhanzi zvaisave nyore, asi kuramba vakashinga ndiko kwaita kuti vasvike padanho ravari nhasi uno.

“Ndiri kunzwa kufara kuti gore rino ndasvitsa makore 18 ndichiita zvemhanzi, ndichitsikisa nziyo uye kushumira vhangeri raJesu, muponesi wangu.

“Zvaisave nyore, asi kutsungirira, kushanda nesimba uye kuzvininipisa ndiko kwandiona ndichifamba rwendo rwandafamba, ndichisvika pandave pano nhasi uye ndiri kunzwa kufara nekutungamirirwa kwandakaitwa kuti ndisvike pandave,” vakadaro.

Murwendo rwavo rwemhanzi, Mai Duri vakakwanisa kuburitsa madambarefu anoti “Sanganai naJehovha”, iro rakabuda mugore ra2008; “Gogodza Umire” (2009); “Zvinoda Jesu” (2011); “Dzikama Mhepo” (2012); “Mwari Rudo” (2015); “Munoshamisa” (2024); uye “Tigarisane Murudo Murudo” (2026).

Dambarefu ravo idzva rine nziyo dzinoti “Manyonganise”; “Bvisai Moyo Webwe”; “Tigarisane Murudo Murudo”; “Mupe Nzvimbo”; “Anoita Minana”; uye “Handei Tinorwisa Mutoriro”, kakanangana nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

Vanoti vaimbi vechitendero vanofanira kutora chikamu chikuru pakurwisa kutorwa kwezvinodhaka pamwe chete nekutsikisa nziyo dzinovaka nyika.

“Isu vanonyanya kuimba nziyo dzechitendero tinofanira kutora chikamu chikuru mukuvaka nyika kuburikidza nenziyo dzatinotsikisa.

“Iye zvino kune nyaya yemutoriro yanetsa, saka ibasa redu kuti tidzidzise kuburikidza nenziyo dzedu uipi hwekutora zvinodhaka, tiyambire vechidiki pamwe nevakuru kuti vazive kuti mutoriro nezvimwe zvinodhaka zvakasiyana-siyana zvakaipa. Ngatiraramei upenyu hwakachena, handei kumakereke tinonamata nekutenda Mwari nokuda kweupenyu hwatiri kurarama,” vakadaro.

Mai Dauri vanonyanya kuzivikanwa nedzimwe nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Handinyure”, kavakaimba naMark Ngwazi; “Huya Kuna Mambo Jesu”, kavakaimba naBaba Harare; “Mwari Rudo”, kavakaimba namushakabvu Bob Nyabinde; “Mupururu”, kavakaimba naObert Chari; uye “Manyonganise”, kavakaita mukomberanwa naChief Hwenje.