Mainini ochemera vana vamaiguru

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAHOSI vakaendesa nyachide pabarika ravo kudare vachiti ane tsika yekuenda kuchikoro kwevana vavo osvikonyeba kuvakuru vechikoro kuti ndiye amai vevana ava.

Precious Chiukira akaendesa Stella Mapfudze kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevana vake.

“Changamire, mukadzi uyu ishamwarikadzi yemurume wangu, zvino anopota achiuya kumba kwangu achindituka nekundishora chimiro changu,” anodaro.

Mapfudza anoti haasi shamwarikadzi asi kuti akaroorwa pabarika naChi- ukira. Anoti kuchikoro anoenda nekuti anenge achida kuona vana sezvo vari vemurume wake. Mutongi Larzin Ncube akapa Chiukira gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×