Makandiwa akavaka chikoro

Daphne Machiri
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vari kurumbidza mutungamiriri wechechi yeUnited Family International Church, Phophet Emmanuel Makandiwa nekubatsira kwavari kuita mukusimudzira dzidzo muZimbabwe.

Vakataura mashoko aya svondo rapera vari paMuringazuva Primary School, kuMuzarabani, vachizarura zviri pamutemo makumuri ekudzidzira ayo akavakiswa naProphet Makandiwa.

Prophet Makandiwa, avo vakadzidza pachikoro ichi, vakacheresa zvakare chibhorani pamwe nekupa mabhuku ekuverenga, zvose zvichikosha mari inosvika $200 000.

“Zvinofadza zvaitwa naProphet Makandiwa pakuvakisa makamuri matatu okudzidzira, kupa mabhuku ekuverenga pamwe nekucheresa chibhorani pachikoro chino,” vakadaro Dr Dokora.

Vakatiwo zvakakosha kuti vabereki vabhadhare mari yechikoro nenguva.

“Ndinoramba mashoko ekuti ndinonzi ndakati kwava nechikoro chemahara, hakuna zvakadaro. Ndiri pano ndiri kutaura, vabereki bhadharai mari yechikoro vana vadzidze zvakanaka,” vakadaro.

Dr Dokora vakataura zvakare pamusoro penyaya iri kutsviriridza mazuva ano apo mamwe masangano ari kuti vana vechikoro vanofanirwa kupihwa makondomu sezvo vamwe vavo vave kupinda munyaya dzepabonde.

“Zvakare nyaya yandicharamba ndichitaura ndeyekuti kwete vana vechikoro havapihwi makondomu muzvikoro. Vadzidzisi handiro basa ravo rekupa vana vechikoro makondomu.

“Handizvo zvatinovabhadharira mari, kwete. Vanoda kudaro ipai vana venyu muri kumba kwenyu kwete muzvikoro,” vakadaro Dr Dokora.

Mukuru weMuringazuva Primary, VaHebester Chibwe, vakatenda rubatsiro rwavakapihwa naProphet Makandiwa.

“VaEmmanuel Makandiwa vakapinda chikoro pano gore ra1983 vachiita Grade 1 zvinova zvavapa kuti vadzoke kuzobatsira chikoro chavo, tinozvitenda zvikuru. Vamwe vana vanga vachidzidzira pasi pemiti zvinova nedambudziko guru munguva ino yekunaya sezvo kana kuchinaya vanga vasingazodzidza.

“Zvakare tichitendawo mabhuku ekuverenga. Mari yakavakiswa dzimba dzokudzidzira nhatu, kutengeswa mabhuku ekuverenga pamwe nekucheresa chibhorani inosvika $200 000,” vakadaro.

Vakatendawo mamwe makereke anosanganisira Methodist Church in Zimbabwe nekubatsira mukusimudzira chikoro ichi.

Vachitaura vakamirira Prophet Makandiwa, Pastor Rufaro Nyadembera vakati chechi yavo inokoshesa kusimudzira dzidzo munyika.

“Chikoro ichi chimwe chemabhindauko atiri kuita mukereke. Takaona zvakakosha kusimudzira vana vechikoro nekuti ndivo vatungamiri vemangwana,” vakadaro.

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira mutevedzeri waDr Dokora, Professor Paul Mavima pamwe nemunyori mukuru mubazi iri Dr Silvia Utete Masango.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×