Moto paPrince Edward High

Malven Mugadzikwa
MIDZIYO pamwe nemabhuku zvekushandisa pakudzidza kwevana zvinokosha $800 000 zvakatsva paPrince Edward High School, muHarare svondo rapera nemoto unofungidzirwa kuti wakakonzerwa netambo dzemagetsi.

Mukuru wechikoro ichi, VaAgrippa Sora, vanoti moto uyu wakaparadza kamuri inodzidzirwa nevana mabasa emawoko.

“Moto uyu wakapisa chivakwa chaidzidzirwa nevana zvidzidzo zvemabasa emawoko musi weSvondo. Zvinhu zvose zvakaparara mukamuri iyi. Chakakonzeresa kutsva kwemudhuri uyu hatisati tava kuchiziva asi fungidziro ndeyekuti dzingangodaro dziri tambo dzemagetsi dzakagumhana,” vakadaro VaSora.

“Zvinhu zvakatsva zvinosanganisira mabhuku evana ekuverenga, mabhenji nemacheya, matafura anoshandiswa nevana pakuveza pamwe chete nekudhirowa.

“Zvinhu zvakatsva izvi zvese pamwe chete nekugadzirisa mudhuri wacho zvinoda mari inosvika $800 000. Ndinongoti kune vemabhizimisi vanoda kubatsira kana nechii zvacho vanogona kutibatsirawo,” vakadaro.

Vakakumbirawo avo vakadzidza pachikoro ichi kuti vavabatsirewo.

“Idambudziko guru nekuti rinodzorera vana vedu kumashure panguva iyo zvidzidzo zvemabasa emawoko zviri kukurudzirwa,” vakadaro VaSora.

Chikoro ichi chinonzi chakambosangana nedambudziko rekutsva kwemumwe mudhuri zvekare muna 2012.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×