Murume wangu iyeyu . . .‘ANOWETERA MUMIGOMO IZERE MVURA YEKUNWA’

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake ane katsika kekuitira weti mumigomo yavanocherera mvura yekunwa uye haadye chikafu chaanobika achiti anenge achitya kuroyiwa.

Rutendo Pande akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira murume wake Titus Pande achiti ari kumushungurudza nevana vake vaviri, nekudaro anoda kudzivirirwa.

Rutendo akaudza dare iri kuti murume wake haachadya chikafu chaanobika sezvo achiti anogona kumuroya. “Murume wangu haachadyi chikafu chandinobika achitya kuti ndinomuroya. Tava nevana vakatoroorwa saka ndinozomuroya nhasi zvingaite izvozvo?

“Ava kudzinga vana pamba, akatodzinga mwana wangu wekutanga asi zvinhu zvinondishungurudza nekuti akadzinga vasara ava vanoendepi? Ndipo pavanozopedzisira vava kuita zvechifambi.

“Ndakatenga zvigaba zvekucherera mvura yekunwa iye kwave kuzvitora kuzviita chemba,” akadaro Rutendo.

Akati Titus akatanga kushusha mazuva aakange ave rovha.

“Akatanga kushusha mazuva akapera basa asisawane mari asi paaienda kubasa mumba maiva nemufaro. Aiva nerudo neni kunyangwe kuvana.

“Ndinofunga kuti kushaya mari kuri kumudya pfungwa zvakanyanya, ndizvo zvava kukonzeresa kushusha kwese uku. Iye zvino zvazosvika pakuti aone kunge tiri kumunetsa, kungomuti hembe yamakapfeka haisi kuita ine tsvina hazvitore nguva, ndinenge ndava kutotukirirwa,” akadaro Rutendo.

Titus akaudza dare kuti anoda mukadzi wake pamwe chete nevana asi kutoti ndivo vanomushungurudza.

Mutongi Babra Mateko akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×