Makore 17 mimba hapana

MUBVUNZO:

Makadii sekuru? Ini muzukuru wenyu ndanetseka nenyaya yekushaya mbereko. Ndava nemakore 17 ndaroorwa asi mbereko isingabate. Murume wangu anoita sekunge ave kufunga zvimwe zvekuti ndave kutyira kuparara kweimba yedu. Ndodii?MHINDURO:

Asi muzukuru hauna kundiudza kuti kwenguva yose yakareba kudai uchishaya mbereko, wakambotsvaga rubatsiro here? Zvange zvichida kuti undiudze kuti wakamboenda kwachiremba kuchipatara, kun’anga kana kumaporofita here uye iwe nemurume wako makanzi kudii? Zvisinei, rega titaure zviripo.

Iwe muzukuru nevamwe vazukuru vangave nematambudziko akadai, ndinoda kuti muzive zvikonzero zvinoshaisa mbereko kumadzimai.

Iwe wakamborwara nehosha dzenjovhera, dziya dzinodaidzwa kunzi maSTIs, here? Kana kuti wakambobvisa nhumbu, kurwara nejeko regono here? Kana kuti unorota uchishereketa nevarume kana nezvipuka muhope?

Zvose izvi zvinokwanisa kuita kuti kubata kwembereko kunetse. Zvimwe zvacho zvinogadziriswa kuzvipatara nemachiremba, asi vanogona kuona kuti zvichida hazvichagadzirika sekunge kana wakakuvara chibereko nekuda kwenjovhera kana kuti kubvisa mimba.

Kuchivanhu zvirikowo. Kune vanhu vanosundira mweya yengozi kuvamwe kuti vatadze kubara vana. Vamwe vanongorota vaine mimba kana kuti vachitobara vana kuhope. Vamwewo vanoita zvekusungwa nevanhu vanoshereketa.

Kana izvi zvechiitika, mweya yetsvina iyi inoda kukasika kudzingwa pachishandiswa mishonga yechivanhu, iriko. Zvava kuda kuti iwe uende kune vanoziva chivanhu, vokubatsira uye kana usingazive, svika kumahofisi eZinatha vanokuudza kunowanikwa vanhu vanokubatsira.

 

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *