Makoreji ndiwo anotora vadzidzi: Gandawa

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti vakuru vemakoreji ndivo vane masimba ekutora vadzidzi vemuzvikoro zvavo.
Mashoko avo anotevera makakatanwa aripo pakati peCivil Service Commission nevakuru vemakoreji pamusoro pekuti ndiani ane kodzero yekutora vadzidzi ava.

“Ndizvo zviri mumagwaro edu nemutemo isu sebazi, veCSC varipo pakuongorora havo vadzidzi vanenge vachitorwa sezvo vari ivo vanozovapa mabasa vapedza chikoro,” vakadaro Dr Gandawa.

Vachitaura pahurukuro yevakuru vemakoreji ichangobva kuitirwa paManagement Training Bureau, kuMasasa muHarare, principal vepaSeke Teacher’s College, VaEphraim Mutumbuki, vanoti sevakuru vemakoreji ndivo vane masimba ekutora vadzidzi kwete kuudzwa zvekuita neCSC.

“Isu tine matorero edu atinoita vadzidzisi mumakoreji zvisina kana tsvete. Mutemo wedu ndewekuti tinotora vane magwaro akakwana zvakare pamapepa atinovapa vachitsvaga nzvimbo anenge akatonyorwa zvinodiwa. Kune avo vanenge vasina zvinodiwa tinovataurira kuti havakwanisi kupinda chikoro,” vakadaro VaMutumbuki.

Vanoti sevakuru vemakoreji, vanokumbirisa kuti vapihwe mukana wekuita basa ravo nemazvo avowo veCSC vachiita ravo kuti zviendeke.

“VeCSC havafanirwe kunge vachitaura neavo vanenge vauya kuzotsvaga nzvimbo, basa ravo kungotarisa mafambiro ekutora kwatinoita vanhu vachiona kuti tiri kuita nemazvo here chete. Tisu tine mvumo yekutaura zvinodikanwa kuti vadzidzi vawane nzvimbo dzechikoro, basa nderedu kwete reCSC,” vakadaro VaMutumbuki.

Muhurukuro nemunyori mukuru weCSC, Mai Betty Dimbi, vanoti pasi pemutemo vanofanirwa kunge varipo panotorwa vadzidzi vekumakoreji vachiona mafambiro ezvinhu.

“Isu tiripo pakuongorora kuti hapana tsvete dzinoitwa here, zvakare nekuona kuti vese vasingakodzere havawane nzvimbo. Nekuti dzimwe nguva vacho vane zvakakwana vanoshaya nzvimbo kuchizotorwa avo vasina, saka ndizvo zvatinoongorora.

“Tinoda kuona kuti zvese zviri mugwara rakanaka here, hatipo pakuudza vakuru vemakoreji zvekuita, kwete,” vakadaro Mai Dimbi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×