Zvido zvenyika pamberi:ZNA

naYvonne Chipato
MAUTO eZimbabwe National Army akazvipira kushanda nesimba mukudzivirira pamwe nekuchengetedza nyika kuburikidza nekuzvibata nekuisa zvido zvenyika pamberi.
Mashoko aya akataurwa svondo rapera naMajor Enock Chivhima pavaigadzwa semukuru we1 Commando Regiment vachitsiva Colonel Donnie Washington Chidawanyika.

“Ndicharamba ndakachengetedza chisungo chekuti semauto, tinofanira kuramba takamira mukuchengetedza nyika nerunyararo uye tsika dzakanaka muchiuto. Semauto, hatina sarudzo yekukundwa pane zvese zvatingada kuita mukuchengetedza runyararo munyika pamwe chete nekuita basa redu nemazvo. Ndinovimbisa kuti nevandinotungamirira ava, tichashanda pamwe chete kuramba tichivandudza zvinangwa zvedu zvatakapindira basa rechiuto,” vakadaro.

“Ndinotarisirawo tsika dzakanaka, kuzvipira nekushanda pamwe chete kwemauto edu mukuzadzikisa zvido zveZimbabwe National Army pamwe chete neZimbabwe Defence Forces. Ndinotendawo vemabhizimisi vatinoshanda navo mukuvandudza magariro nemararamiro akanaka emauto neveruzhinji ndichiti ticharamba tichibata tese mukusimudzira nyika.”

Col Chidawanyika vakatsinhirawo mashoko aya vachiti: “Chido chedu chekuchengetedza nyika yeZimbabwe chicharamba chiripo uye ndinoti kumauto murambe makashinga mukubata basa rakanaka.”

Chiitiko ichi chakatsigirwa nevemabhizimisi vanosanganisira Nyaradzo Funeral Services, First Mutual neG-Tel.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×