Makoreji otatsurana

SANGANO reZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union richasangana svondo rino paMidlands State University kuGweru apo richange richironga chikwata chenyika chinotarisirwa kuzonokwikwidzwa kumutambo weConfederation of Universities and Colleges Sports Association Games uchatambirwa kuZambia muna Nyamavhuvhu.
Izvi zvinotevera kupera kwakaita mitambo yeZTISU yakatambirwa kuMkoba kuGweru kwakare svondo radarika.

Mutungamiriri weZTISU Martin Zibwi anoti svondo radarika sangano ravo rakagadza chikwata chevarairidzi vemitambo yakasiyana icho chaiongorora vatambi vachitamba mitambo  yakaita senhabvu, basketball, volleyball nerugby iyo yaitambirwa kuMkoba Teachers College.

Mitambo iyi yaikwikwidzwa nemasangano matatu anoti Zimbabwe Universities Sports Association (ZUSA), Tertiary Education Sports Association of Zimbabwe (TESAZ)  neZimbabwe Teachers Colleges Sports Association (ZITCOSA).

Anoti svondo rino pavari kusangana kuMSU, varairidzi vemitambo yakasiyana ndipo pavachange vachivazivisa vatambi vakatamba zvinodakadza avo vavanoda kuti vapinde muzvikwata zvakasiyana.

“Basa guru rave kuchitanga manje nekuti svondo rino tave kutanga kuumba zvikwata zvedu zvakasiyana izvo tinoda kutumira kuZambia mwedzi inotevera kumitambo yeCUCSA.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×