Makunakuna: Baba vakatiza nemwana

MAPURISA ekuMashonaland East anoti ari mushishi kutsvaga vamwe baba nemwanasikana wavo avo vanonzi vari kupengesana murudo zvichitevera kutizisana mukumbo kwavanonzi vakaita ndokuenda kusina anoziva nguva pfupi yadarika.

Vaviri ava, Brian Chisango (anofungirwa kuti ane makore anodarika 30) nemwanasikana wake (zita tinaro) uyo ane makore 13 okuzvarwa vaigara panhamba 32 Glovina Farm, kuBeatrice uye vanofungidzirwa kuti vari kuMahusekwa kana kuti kuFutherstone, kwakare kuBeatrice.

Musikana uyu mwana wemudzimai waChisango, Portia Kwenda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Norbert Muzondo, vanoti vari kutsvaga vaviri ava nekuda kwemhosva yavakatarisana nayo yekuita makunakuna.

Vanoti mudzimai waChisango, Kwenda, ndiye akamhan’ara nyaya iyi paakashaya mwanasikana wake naChisango sezvo vakangoenda vasina kuoneka nguva pfupi yadarika.

“Isu semapurisa tiri kuedza napose patinogona kutsvaga vaviri ava asi nyaya yekuti hatina ruzivo rwakapinza maererano nemafambiro avakaita ndiyo iri kunetsa.

‘‘Kana paine vanoziva nezvevaviri ava kana vane zvavari kufungidzira kuti zvingabatsire kuti tibate murume uyu nemwana wake vakasununguka kutichaira runhare kana kunyora tsamba paWhatsApp yedu,” vakadaro Insp Muzondo.

Vanoti vanenge vaine zvavanoziva vakasununguka kuchaya runhare panhamba dzinoti 0772 492 561 kana kunyora tsamba paWhatsApp panhamba inoti 0783 189 905/6.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×