O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Monika naTimoti vanoteverwa naMujubheki

CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi)
Usiku hwacho kunove nerunyararo rwaityisa urwo munyori anoti “rwainge rweguva”. VaMushayazano vachizeya zviri kuitika mupfungwa dzavo, vanozviona kuti mwana akaita saMonika munhuwo asingadi kuramba achifurufushwa kana kuramba achirondwa zvose zvaanoita kana kuti sezvakanyorwa nemunyori, kwete kuteverwa netyava nguva dzose “semombe” (22).

Mudzimai wavo ainge asingabati murume wake nenzira kwayo. Akavatuka izvo baba ava vanogunun’una vachiti aivaita “sechinhu chomudondo” (23). Mudzimai uyu haatarisire firo inosemesa kana kuti kufa “sembwa” (25) pasina anovaviga vachidyiwa namagora. Vanoda kufa vachiimbirwa nziyo dzemuchechi saamai veruwadzano.

Asi amai ava vane kutsvinya kwakazara. Tikanzwa kutsanangura uko vanoita murume wavo tinobva tanyatsa kuona kutsvinya uku. Vanoti, “Hezvo ndizvo zvakanga zvanditadzisa kuroorwa ndichizodai kuroorwa norukarahwa rwapera mazino mukanwa” (24).

Mundangariro dzaVaMushayazano munotidzidzisa zvimwe maererano neupenyu hwawo. Zvatinodzidza ndeizvi, “Dai mukadzi wangu wokutanga akanga andipawo mwana, achidai hake akazofa, handaitambudzika kudai izvi ini” (23).

 

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho)

Kubva nguva yakarohwa amai naTendai kunopera mwedzi wose Monika achinyepera kunge anogara akafara asi mumoyo make haana kugadzikana zvakanaka. Haafadzwi nekusafarirana kwavanhu vomumba mavo ivo baba vava kuti nyanyei kurwara, amai vachiita sevanovhunduka.

Panoenda Tendai kana kumbonyora zvake tsamba kana kutumira shoko rokuti akanga afamba sei kana kubvunza kuti baba vainge vonzwa sei. Monika ari kutambudzika nekushaya hope achimbofunga zvekutoda kutiza pamusha apa asi anodzorwa nepfungwa mbiri dzinoti kutya amai vake, nemukomana mumwe chete waakanga aona, ada kunyange zvake ainge asati ataura naye uyewo asingagari munyika imomo uya ainzi Timoti Marimba.

Nerimwe zuva uri musi weChina amai vake vanomutuma kuchitoro kwaFadzamwoyo kunotenga sipo, munyu netumwe twakadaro twemumba. Ava muchitoro ichi anobva anzwa vhudzi rake kuti nyau nyau ndokubva aziva kuti kwaive nemunhu kugotsi kwake. Paanotendeuka shure, anoona mumwe mukomana ndokubva atarisa kudivi nekukurumidza hana yake ichirova mbakumba.

Vanotanga kutaudzana, Monika ndokubva azoziva kuti mukomana uyu ndiTimoti uyo aimuziva. Vanombotaura nezveupenyu hwavo mukomana ndokutanga kunyeredza nenyaya yake achiti Monika ihama yake kana akamusvitsa parwizi rwaive pamberi, odzokera. Timoti anocheuka mumashure ndokuona kuti kwainge kune munhu ainge achivatevera. Anobvunza Monika kuti munhu uyu ndiani iye hana yake ndokurova ndokupindura achiti munhuwo zvake. Timoti anobvunza kuti munhu uyu haazomurovi here, anogona kunge ari mukomana waari kupfuvisa.

Gomana rinoshevedza musikana kaviri ndokubvunza kuti kana akanyora tsamba yake angaipindura here kana ichiti dhiya ndinokuda chaizvo, Monika ndokumboseka zvake achiti haapinduri. Timoti anodana Monika kuti atarire kwaari ndokuramba achidana zita raMonika kusvika musikana ati haachadaviri, vava kusvika parwizi.

Timoti anovimbisa Monika kuti zuva iroro achanyora tsamba iyo Monika achapindura Chishanu nokuti neMugovera Timoti ainge ari kudzokera kuHarare. Timoti anooneka, ava kukwidza mukwidzwa anosimudza ruwoko rwake katatu. Monika anoitawo zvimwe chete. Monika anozovhundutswa nezwi raMujubheki rinomubvunza kuti mukomana uyu ndiye mukomana wake here, Monika ndokubva aziva kuti munhu ainge achivatevera ndiMujubheki.

Enderero mberi svondo rinouya.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×