Makuwerere kuGlamis Arena

ACHANGE ari makuwerere svondo rino nemusi weChishanu kunhandare yeGlamis Arena muguta reHarare uko shasha yemusambo weReggae — Chris Martin — anove chizvarwa chekuJamaica anotarisirwa kuridza achitsigirwa nevaimbi vemuno vanoti Jah Prayzah, Winky D naNinja Lipsy.

Shoo iyi yave nemwedzi yakawanda ichirongwa neveRed Rose Entertainment inotungamirwa naBarbara Chikosi uyo anonyanya kuzivikanwa saMama Red Rose.

Martin ane mukurumbira pasi rose nenziyo dzakaita saCheaters Prayer neLet Her Go.

Muhurukuro naLipsy, uyo anove ndiye chete muimbi wechidzimai acharidzawo pashoo iyi, anoti akagadzirira zvikuru kufadza vatsigiri vake.

“Hana yangu yakarova kare ndichitanga asi iye zvino ndajairira, vatsigiri vangu ndakavagadzirira mutakunzanzva wega, ngavauye vazozvionera vega.

“Mhanzi ndiko kubasa kwangu saka ndinoziva kuti pashoo yaChris Martin ndicharakidza kuti ndinokodzera kuridza nevaimbi vakuru vemuno nevekunze,” anodaro Lipsy.

Vatsigiri vemhanzi vanoziva Lipsy achatanga apo akaita mukurumbira achiimba naWinky D asi iye zvino azvimirira uye ane nziyo dzakawanda dziri kunetsa dzakaita seHeavy Koso, Siya, Mababie Anoita.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×