Makuwerere kuHarare Merit Awards

VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vashande nesimba muzvidzidzo zvavo sezvo fundo iri iyo musimboti webudiriro yenyika.
Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nachamangwiza wekambani yeZimplats, VaAlex Mhembere, avo vaive muenzi anoremekedzwa pamabiko eHarare Provincial Merit Awards.

Vakati vatungamiriri vezvikoro vanofanira kuedza nepose pavanogona kupakura dzidzo yemhando yepamusoro inopa pundutso kuvana.

“Kugona hakungouya makagara, vana vechikoro shandai nesimba. Vakuru vezvikoro shingairirai pakupakura dzidzo yemhando yepamusoro kuti mubure vana shangwiti munyaya dzedzidzo,” vakadaro VaMhembere.

Vakakurudzirawo vana vechikoro vakawana mibairo pazuva iri kuti varambe vachishanda nesimba vachiti izvi zvinofanira kuvapa manyukunyuku.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, vakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo mupurovhinzi yeHarare, VaEdward Shumba, vakarumbidza vana vechikoro pamwe nevadzidzisi vakawana mibairo pazuva iri.

“Dai pasina kushanda nesimba kwamunoita tingadai tisina kuungana pano nhasi. Chokwadi munokodzera kutendwa zvikuru dai maramba makadaro muchisimudzira dzidzo yenyika yedu nekuti zvichatibatsira kuti tisvike kure.

Rambai makadaro,” vakadaro VaShumba.

Zuva iri rakaona vana vechikoro pamwe nevadzidzisi vakashanda nesimba vachikumba mibairo yaisanganisira makombiyuta, maprinter, mabhuku nemabhora.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×